Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Inocherechedza Zuva reInternational Day of Decent Work Ichikurudzira Kuti Vashandi Vabatwe Zvine Hunhu muMabasa


Nhengo dzesangano reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe-ARTUZ.
Nhengo dzesangano reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe-ARTUZ.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti kodzero yekuti munhu wese ashande basa rine hunhu inofanirwa kusimudzirwa uye kuwanikwa nemunhu wese.

Kurudziro iyi inouya apo nhengo dzesangano iri dzabatana nevamwe vashandi pasi rose mukucherechedza zuva rekushanda kune hunhu pasi rose, kana kuti International Day of Decent Work.

Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, vanoti senzira yekucherechedza zuva iri, sesangano vakwanisawo kukurudzira kuhurumende kuti sevashandi vapiwewo mihoro yakaringana inoita kuti vakwanise kurarama, uye vari pamudyandigere vawaniswe mari dzinovararamisawo.

VaMasaraure vanotiwo vakwanisa kuungana vachirechedza zuva iri vari mudunhu reMashonaland East vanhu vachiita nhaurirano dzekuti zvii zvingaitwe kuti vashandi vakwanise kurarama.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gurukota rezvemabasa nevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanotiwo sehurumende havana kucherechedza zuva iri zviri pamutemo, asi vacharicherechedza pavachaparura munguva pfupi iri kutevera chirongwa chavari kuumba chekuti vashandi vange vari pamabasa ane hunhu, che Decent Work Program.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumashoko kuvatori venhau, munyori mukuru wesangano remubatanidzwa wemasangano evashandi pasi rose, reInernational Trade Unions Confederation, ITUC, Amai Sharan Burrow, vati gwaro reITUC regore ra2022 rakaratidza kuti nyika dzakawanda dziri kutyora kodzero dzevashandi, kusanganisira sarudzo dzekuita hurukuro dzemihoro kuburikidza nedzihurumende dzichinyima vashandi mukana.

ITUC inoti kubva mugore ra 2005, zvinoburitswa nevashandi mumabasa zvakakwira nezvikamu makumi matatu nemanomwe kubva muzana, kana kuti 37 percent, asi vashandi vachinyimwa zvehupfumi zvinowanikwa kubva mazviri kunyange hazvo vari ivo vanogadzira zvinhu zvinotarisirwa nehupfumi hwedzinyika pamwe nevagari.

“Apo vashandi vane masangano anovamirira vari kuenderera mberi nekurwisana nekudzvinyirirwa kwemihoro pasi rose, tinoshandisare zuva reWorld Day for Decent Work iri kukurudzira dzihurumende kuti dzitonge dzichitevera zvinodiwa nevanhu, kwete kuramba dzichimora hupfumi kubva muvanhu dzichipa kumakambani,” Amai Burrow vakadaro.

ITUC yakati mitengo yemhando dzemoto, zvekudya uye zvimwe zvinodiwa nevanhu zuva nezuva iri kukwirta nemutowo uri kuisa mamiriyoni evashandi muhurombo, uku vachiudzwa nedzimwe dzihurumende, nyanzvi mune zvehupfumi nevemabhanga kuti kukwidza mihoro kuti vakwanise kurwisana nekukwira kwemitengo yezvinhu, kana kuti inflation, hazvitambirike.

MuAfrica, nyika mbiri dzinoti Egypt neEswatini ndidzo dziri panyika gumi pasi rose rinonzi sesangano reITUC dzinobatwa vashandi zvakaipisisa pasi rose mugore rino ra2022.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG