Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inowedzera Huwandu hweVanhu Vachakwikwidza musarudzo yeCentral Committee neMugovera, Uye Kupa Mukana Kune Vakanga Vamborambidzwa


Mutauriri weZanu PF VaChris Mutsvangwa nemushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu, VaTafadzwa Mugwadi
Mutauriri weZanu PF VaChris Mutsvangwa nemushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu, VaTafadzwa Mugwadi

Bato reZanu PF neChishanu rawedzera huwandu hwevanhu vachakwikwidza musarudzo dzezvigaro muCentral Committee dzichaitwa neMugovera, uye kupa mukana kune vamwe vakange vamborambidzwa kukwikwidza.

Vamwe vapiwa mukana wekukwikwidza ndevaya vasati vagara mubato kwenguva inodiwa kuti munhu akwanise kupinda musarudzo idzi, vakaita segurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota remaindasitiri, Amai Sekai Nzenza pamwe nevaimbova gurukota rezvehutano, Dr. Obadiah Moyo.

Kuti ukwikwidze musarudzo dzeCentral Commitee unofanirwa kunge wagara mubato kwemakore gumi nemashanu uye mashanu acho uri muhutungamiri hwedunhu guru, kana kuti Provincial Executive.

Asi munyori anoona nezvegwara remusangano, VaMike Bimha, vaudza vatori venhau kuti pamisangano yayo mazuva maviri apfuura, Politiburo yakatora danho rekubvumira vamwe vasina nguva yakakwana mubato kuti vapinde musarudzo idzi.

Vati pamisangano iyi dare rePolitiburo rakaongorora mazita ese evanhu vainge vapihwa mvumo nekurambidzwa kupinda musarudzo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana.

Vamwe vakapihwa mukana wekukwikwidza mushure mekumborambidzwa vanosanganisira Amai Chido Madiwa, VaRay Machingura naAmai Patricia Kutyande kuManicaland, VaJabulani Mbetu kuMasvingo naVaTerence Mukupe naVaBright Matonga kuMashonaland East.

VaBimha vatiwo vashandi vehurumende vakapihwawo mvumo yekupinda musarudzo idzi.

Vamwewo vakabva kune mamwe mapato akaita seZanu Ndonga vakabvumirwo kukwikwidza musarudzo dzeCentral Committee.

Vaimbotungamira bato iri naVaWilson Khumbula nevamwe vavo kubva kubato iri vabvumidzwawo kupinda musarudzo idzi.

Vatiwo pane zvigaro zvishanu zvemadzimai padunhu rega rega uye pakaita madzimai akawanda anoda kukwikwidzana pazvigaro izvi, ave nemakore akawanda mubato ndiye anopihwa mukana.

VaBimha varamba kutaura mazita evanhu vakarambidzwa kukwikwidza vachiti vazhinji vavo havasati vaziviswa.

Murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha
Murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha

Zvichakadai VaBimha vati sarudzo dzichaitwa mumatunhu mangwana kutanga nenguva dza10 mangwanani kusvika na4 zuva rodoka.

Vati dunhu reMasvingo, ndiro chete richavhota neSvondo nekuti mangwana mutungamiriri webato nenyika VaEmmerson Mnangagwa vachange vari mudunhu iri kuChiredzi vachiita musangano wekutenda vatsigiri vebato iri nekuvhotera bato ravo pasarudzo dzemaBy-Elections.

VaBimha vanotsanangura kuti handi nhengo dzese dzebato dzichavhota musarudzo idzi, asi kuti masachigaro.

Pane vanhu vanodarika mazana manomwe nemakumi.mana vari kukwikwidza kuda kutora zvigaro mazana matatu nezvina zveCentral Committee.

Vachakunda musarudzo idzi vachagadzwa pamusangano wekongiresi uyo uchaitwa kupera kwemwedzi uno.

VaMnangagwa vachadomawo nhengo dzedare repamusoro rePolitiburo kubva pavanhu vanenge vasarudzwa kupinda muCentral Committee.

Vanoongorora magariro akanaka evanhu, VaTendai Reuben Mbofana vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo Zanu PF ikave nehutungamiriri hutsva hweCentral Committee nePolitiburo havawoni zvichishandura magarariro everuzhinji munyika.

Ukuwo, vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vachishanda neAfrica University, Doctor Wellington Gadzikwa, vatiwo havaoniwo vatungamiriri vatsva muCentral Committee nePolitiburo vachishandura gwara remutungamiriri webato VaEmmerson Mnangangwa.

Zvichakadai, mutauriri weZanu PF VaChris Mutsvangwa, vati bato ravo riri kupinda musarudzo rakabatana uyewo riri kuenda kumusangano wekongiresi rakabatana kudaro.

Vatiwo chisungo chikuru chavari kutora pakongiresi ndechekuti VaMnangagwa ndivo mutungamiriri webato uye ndivo vega vachamirira bato musarudzo yemutungamiriri wenyika gore rinouya.

VaMutsvangwa vati izvi ndizvo zvakatosungwa nezvikamu zvese zvemusangano, chemadzimai, chevechidiki pamwe nechevarwi verusununguko.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG