Accessibility links

Breaking News

Africa Yorairidzwa neZvizvarwa Zvayo Chete kuWorld Cup Kanova Kekutanga


Kanova kekutanga munhoroondo yemakwikwi eWorld Cup, zvikwata zvose zviri kuenda kumakwikwi aya zviri kurairidzwa nemurairidzi wemuAfrica.

Chikwata cheCameroon chiri kurairidzwa naRigobert Song uyo aimbova kaputeni wechikwata ichi.

Song akaberekerwa kuNkenglicock, muCameroon uye ane makore makumi mana nematanhatu kana kuti (46) Akambotambira zvikwata zvakaita seMetz, Liverpool, Galatasaray, West Ham nezvimwe.

Rigobert Song
Rigobert Song

Chikwata cheSenegal chiri kurairidzwa naAliou Cisse. Cisse akaberekwawo gore rimwe chete naSong, muna 1976. Cisse aimbowavo kaputeni weSenegal akave mutambi wekutanga munyika iyi kutungamira semutambi chikwata ichi kusvika mufainari yeAfica Nations Cup uye achizova murairidzi wekutanga kusimudza mukombe uyu muna 2022.

Aliou Cisse
Aliou Cisse

Cisse akaberekerwa kuZiguinchor muSenegal. Akatambira zvikwata zvakaita seLille, PSG, Portsmouth nezvimwe.

Ghana iri kutungamirirwa naOtto Addo akaberekerwa muna 1977 kuHamburg, Germany. Addo akambotambira, Borussia Dortmund, Hamburg SV, Bramfelder nezvimwe. Akambotambirawo chikwata cheGhana.

Walid Regragui, Morocco.

Walid Regragui, akaberekerwa kuCorbeil-Essones, France muna 1975, ave nemakore makumi mana nemanomwe (47). Akambotambira zvikwata zvinosanganisira Racing Paris, Toulouse, Racing Santander nezvimwe. Akatambirawo chikwata cheMorocco.

Jalel Kadri, Tunisia.

Kadri akaberekwa muna 1971 uye ane makore makumi mashanu. Akaberekerwa muTozeur, Tunisia. Akambotambira zvikwata zvinosanganisira AS Djerba, El Makarem de Mahdia, AS Gabes nezvimwe.

Kanova kekutanga munhoroondo yemakwikwi eWorld Cup, zvikwata zvose zviri kuenda kumakwikwi aya zviri kurairidzwa nemurairidzi wemuAfrica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG