Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Gumiguru 07, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Bato reZanu PF rinowedzera huwandu hwevanhu vachakwikwidza musarudzo dzeCentral Committee mangwana uye kubvumidza vamwe vakange vambonyimwa mukana wekukwikwidza pamwe nevamwe vasati vagara mumusangano kwenguva inodiwa kuti munhu akwanise kupinda musarudzo idzi kuti vakwikwidze.

Mambo Tshovani voripisa sabhuku Masekesa nemhuri yavo nekuti vakavabudisisa muStudio 7.

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti kodzero yekuti munhu wese ave nebasa rakaringana inofanirwa kusimudzirwa uye kuwanikwa nemunhu wese. Kurudziro iyi inouya apo Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva re International Day of Decent Work, iro racherechedzwa pasi rose nhasi.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti bazi ravo rabudirira mukuvandudza mitemo kuita kuti vatori venhau vashande vakasungunuka.

Asi sangano revatori venhau reMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe rinoti hurumende inopa nerudyi ichitora neruboshwe sezvo iri kuvandudza mimwe mitemo asi ichidzika mimwe inodzvinyirira vatori venhau.

Hurumende yeSouth Africa yazivisa nhasi kuti vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vave munhu akasununguka zvichitevera kusvika kumagumo kwemutongo vawakanga vapiwa mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekuzvidza dare.

Vamwe vagari vekuHurungwe mudunhu reMashonaland West vanoti vari kuramba vachirasikirwa nemombe dzavo kunyange vachidzidhibhisa svondo rega rega.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm manheru ano, tiri kutarisa zvakabuda kumusangano wePoiltburo yeZanu PF wakaitwa nezuro manheru, uyewo kuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo pasi pebhiri re Electoral Amendment Bill, 2022.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG