Meya veVictoria Falls, VaSomveli Dlamini vebato reMDC rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, vasungwa nekomisheni inorwisana nehuwori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, vachipomerwa mhosva yekuita zvehuwori.
VaDlamini vanonzi vakaita chikiribidi pakuwana kwavakaita nzvimbo yekuvakira imba iri mumusha wevashoma makare muVictoria Falls.
Mutauriri weZACC vari zvakare komishina, VaJohn Makamure, vanoti VaDlamini vari kupomerwawo mhosva yekusabuda pachena kuvakuru vavo kuti vaive nechekuita nehurongwa hwekuwanikwa kwenzvimbo yekuvakira iyi sezvinokurudzirwa nechikamu 173 chemutemo we Criminal Law Codification Act.
Gweta riri kumirira VaDlamini, VaGivemore Mvhiringi, vatenda kuStudio 7 kuti meya vasungwa uye vaendeswa kukamba yemapurisa yeHwange.
VaMakamure vanoti VaDlamini vacharara vakachengetedzwa nemapurisa kuHwange, uye vanotarisirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva neChishanu.
Mutauriri webato reMDC inotungamirirwa naVaMwonzora, VaWitness Dube, vabvumawo kuti ichokwadi kuti VaDlamini vasungwa.
Asi VaDube vanoti nekuda kwekuti chiitiko ichi chauya kumadeuka zuva vanhu vave kubva kumabasa vanga vasati vanzwa zvizhinji kubva kumagweta aVaDlamini pamwe nekumhuri yavo.
Facebook Forum