Accessibility links

Breaking News

Vakuru VeKanzuru Vopomerwa Mhosva yeHuwori kuBikita


Vamwe vagari vekuBikita vanyorera kanzuru yayo gwaro renyunyuto vachida kuti imise kupa mabasa kambani yeBikita- Hanyanya Private Limited iyo inonzi ikambani yemukuru webasa wekanzuru, VaPeter Chibi pamwe nemukuru mubazi rezve mari VaNever Mavhuna.

Vagari vanoti vakuru ava vari kuita huwori vachipa kambani yavo mabasa ekanzuru akaita sekuita bhizimusi rekuchengeta mhuka , kupakwa kwemota pamwe nekuita mabasa pamalodge ekanzuru.

Mutauriri wesangano rinomirira vagari reBikita Residents and Rate Payers Association, VaMark Mutengani vati vakuru vekanzuru ava vari kuita huwori nekanzuru yavo vachitora mari yevagari.

Vaenderera mberi vachiti mwedzi wapera kambani iyi yakapuwa mari inosvika madhora zviuru makumi maviri nemavuri yeku America kana kuti U$22 000 yekuita musangano palodge yeBikita-Hanyanyi iyo yaiombava yekanzuru.

VaMavhuna varamba kutaura neStudio7 vachiti inyore mibvunzo kukanzuru vakuru vayo vozopindura.

Asi VaChibhi vati kambani haisi yavo naVaMavhuna asi ndeye kanzuru iri kutoita mabasa ekugadzirira kanzuru mari kunyange iyo iri kubhadharwa nekanzuru imwecheteyo.

Kunyange VaChibhi varamba kuti haisi kambani yavo , gwaro rekunyoreswa kwekambani iyi kuhurumende riri mumaoko eStudio 7 rinoratidza kuti kambani ndeyavo naVaMavhuna.

Mugwaro iri rakaitwa musi wa 3 Chikumi 2021, VaChibhi vane zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemashares kana kuti 50% VaMavhuna vane zvimwe zvikamu makumi mashanu kubva muzaa kana kuti 50%.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG