Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti riri kushushikana zvikuru nedanho rakatorwa nedare remakurukota nemusi weChipiri, rekupasisa bhiri rakanangana nekuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo, reElectoral Amendment Bill 2022.
Mutevedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo muCCC, Muzvare Ellen Shiriyedenga, vanoti veruzhinji kusanganisirawo nnebato ravo havana kupiwa mukana wekuti vaisewo pfungwa dzavo muhuruongwa hwebhiri iri.
Muzvare Shiriyedenga vanoti kana nhengo dzebato ravo dziri muparamende hadzina ruzivo nezvebhiri iri kunze kweragara riri mudare rakasvitswa nesangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, iro richiri kuzeyiwa.
Vanotiwo kunze kwezvishoma zvavakanzwa pakataurwa nyaya iyi mumusangano wedare remakurukota, hapana zvimwe zvinozivikanwa neveruzhinji zvingadai zvakavandudzwa nebhiri iri.
Asi nhengo yevechidiki mubato reZanu PF VaAlex Gakanje, vanoti havaoni paine chakaipa padanho rakatorwa nedare remakurukota vachitichinofanirwa kuzivikanwa nebato reCCC ndechekuti mitemo inodzikwa neparamende kwete nekungotaura pamisangano.
VaGakanje vanoti bato rinopikisa iri rajaira kungopikisa chose chinhu chaitwa nehurumende, izvo zviri kuita kuti ripikise bhiri rarinoti harisati raona kuti rakanaka zvakadii uye rinobatsira zvakadii nyika.
Bhiri iri rakanangana nekuvandudza chikamu 2:13 chemutemo wesarudzo kana kuti Electoral Act (Chapter 2:13).
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvagwa vakazivisa kuti zvakavandudzwa zvinosanganisira nguva inofanirwa kutorwa nevanenge vachida kukwikwidza musarudzo dzevamiriri veparamende kana makanzura kuti vabude mukukwikwidza.
Zvimwe zvirimo inyaya yehuwandu hwezvigaro zvinochengeterwa madzimai pamwe nevechidiki izvo zvakaiswa pazvikamu makumi matatu kubva muzana, pamwe nekuvandudza zvinokwanisa kuita kuti munhu akwanise kuvhota, zvinove chitupa kana pasipoti, kwete tsamba yepanogara munhu sezvaimbodiwa.
Bhiri iri ramirira kuzeyiwa muparamende, kana rakabudirira rozosainwa nemutungamiri wenyika kuti rive mutemo.
Asi vanopikisa nevemasangano akazvimirira vanoti zvakaziviswa izvi zvakasiyana nepfungwa dzavakapa dzezvavanoda kuti zvivandudzwe.
Bato rewCCC svondo rapera rakaburitsa gwaro rine zvinhu zvinomwe zvarinoti zvinofanirwa kutanga zvavandudzwa sarudzo dzisati dzaitwa, zvinove zvinonzi hazvisi pazvinhu zviri kunzi zviri mubhiri iri.
Facebook Forum