Accessibility links

Breaking News

Sangano reAfrican Diaspora Forum Ropikisa Mashoko eGurukota rezveMukati meNyika yeSouth Africa paNyaya yeMichato yeChitsotsi


Sachigaro veAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda.
Sachigaro veAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda.

Sangano reAfrican Diaspora Forum rinoti rinopokana nemashoko akaburitswa negurukota rezvemukati menyika muSouth Africa, VaAaron Motsoaledi, ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri pakati pevanhu vekunze vari kuwana michato yechitsotsi kuti vakwanise kuita magwaro anovabvumidza kuve zvizvarwa zvenyika iyi.

Sachigaro veAfrica Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti zvinozivikanwa nevanhu vose kuti kune huwori hunoitwa kumahofisi ebazi rezvemukati menyika, uye zvizvarwa zvedzimwe nyika dzisiri Zimbabwe zvakawanda ndizvo zvinozivikanwa kuti zvinoita michato yechitsotsi iyi.

VaMotsoaledi vakazivisa kuti bazi ravo riri mushishi kutevera zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvavakati zviri kuwana michato zvechitsotsi kuti zvikwanise kuwana mukana wekuve zvizvarwa zvenyika iyi.

Vakatiwo kubva Ndira gore rino vakwanisa kukanzura michato yakadai inosvika mazana mashanu nemakumi mashanu nemitatu yakaitwa zvechitsotsi.

Gurukota iri rakatiwo zvimwe zvizvarwa zvekunze zviri kushandisa mapasipoti echitsotsi, vachiti magwaro anoda kusvika kumazana maviri akatoferefetwa akamiswa kushanda.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rebazi remukati menyika muSouth Africa.

Asi Doctor Sibanda vanoti vachatorawo matanho ekuratidza kuti zviri kutaurwa naVaMotsoaledi izvi inhema.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG