Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vorumbidza China Vachivhura Kambani yeSimbi kuMvuma


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa vaparura kutanga kushanda kwekambani yezvezvicherwa yeDinson Iron and Steel (DISCO) iri pasi pekambani yekuChina yeTsingshan Holdings iyo yakapihwa mvumo yekuchera Mhangura neGoridhe kugomo reManhize kuMvuma, kuMashonaland East.

VaMnangagwa vati kambani iyi ichavhura mikana ye mabasa akawanda kune veruzhinji uyewo vatenda zvikuru mutungamiri wenyika yeChina, VaXi Jingping nehurumende yavo nerutsigiro rwavati vari kuwana kubva kuChina pasi pechirongwa che “Win-Win Beijing Consensus, Reform and Opening of the Economy Policy”.

VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping
VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvicherwa dzinoti uku kupedza nguva nekuunganidza veruzhinji pasina chinozobuda. Mukuru we sangano re Centre for Natural Resource Governance (CNRG), VaFarai Maguwu vati hurumende haisi kukoshesa raramo yezvizvarwa zveZimbabwe nekuti iri kusiya makambani ekuChina achiita madiro aJojina.

HURUKURO NAVA FARAI MAGUWU -DISCO MANHIZE LAUNCH
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG