Accessibility links

Breaking News

Vana Vadiki Voramba Vachibatwa Chibharo muNyika


Gwaro rabudiswa nebazi rinoona nezvevashandi muAmerica rinoti Zimbabwe haina zvakawanda zvairi kuita mukupedza dambudziko rekushanda kwevana vadiki.

Vachitaura nezvegwaro iri, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rePublic Affairs Office pamuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Megg Riggs vati gwaro iri rakabuditsa pachena kuti Zimbabwe yakavhiringidza masangano evashandi mukuongorora kushandiswa kwaiitwa vana vadiki pane rimwe purazi iro risina kudomwa nezita.

Amai Riggs vatiwo ongororo yakaitwa iyi inoratidza kuti vana muZimbabwe vari kushandiswa zvakanyanya kusanganisira mune zvekurima nzimbe, kufodya pamwe nekuitiswa zvechipfambi/

Gwaro iri rinotiwo zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana zvevana vari pakati pemakore manomwe kusvika pagumi nemana vaishanda panguva imweyo vachiendawo kuchikoro . Zvakabudawo mugwaro iri kuti zvikamu makumi mana kubva muzana zvevana vari pakati pemakore mashanu negumi nemana vaishandiswawo.

Gwaro iri rinotiwo kusamira zvakanaka kwehupfumi munyika kunoitawo kuti vana vemuZimbabwe vave panjodzi huru yekuzvishandira kana kumanikidzwa kushanda. Rinotiwo vana varipamiganhu yenyika vanomanikidzwawo kuenda kunedzimwe nyika dzakadai seSouth Africa , Mozambique neZambia vachishandiswa kuita zvepabonde

Zimbabwe inonzi mugwaro iri ine mimwe mitemo inodzivirira kushandiswa kwevana vadiki asi haisi kushandiswa zvakazara uyewo pane dzimwe nguva hakuna zvikwanisiro zvekuongorora kuti vana vadiki havasi kushandiswa here.

Munyori mubazi rinoona nezvevashandi VaSimon Masanga vati vanga vachida kutanga vaverenga gwaro iri vasati vapindura mibvunzo yedu.

Asi imwe nyanzvi mune zvekushanda nekushandirwa variwo zvakare munyori wevashandi muboka revechidiki mudunhu reHarare reCitizens Coalition for Change VaTapiwa Macheka vati zvabuditswa negwaro iri ndezvechokwadi.

VaMacheka vatiwo Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa mamiriro ezvehupfumi senzira yekudzivirirawo kushandiswa kwevana vadiki.

Mutemo weZimbabwe unoti vana vanokwanisa kutanga kushanda vave nemakore gumi nemashanu asi vachiita mabasa asina njodzi uye asingarwadzi asi mutemo uyu urikuda kuvandudzwa vamwe vachiti makore anofanirwa kukwidzwa kusvika pagumi nemasere.

Gwaro iri rinoti nyika dzakadai seSouth Africa neAngola ndedzimwe dzenyika dzemuAfrica dzririkuedza kupedza dambudziko iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG