Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru, 04, 2022


Misoro yeNhau

Dare repamusoro muSouth Africa riri kutarisirwa kutanga mangwana kuzeya nyaya yakakwidzwa neveHelen Suzman Foundation neZimbabwe Immigation Federation vachipikisa danho regurukota rezvemukati menyika VaAaron Motsoaledi rekuramba kuwedzera nguva yekuti magwaro anobvumidza zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvishande zviri pamutemo arambe achishandiswa.

Huwandu hwevanhu vari kuba vachishandisa pfuti huri kuramba huchiwedzera uye nhasi panonzi pabiwa goridhe rinodarika makirogiramu gumi nerimwe kuHow Mine.

Ongororo yakaitwa neZimstats pakuverengwa kwevanhu inoratidza kuti vanasikana vanodarika zvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana kana kuti 16% vakaroorwa vasati vabvazera zvikuru kumaruwa.

Muchirongwa chatinotaura nevechidiki cheThe Connection na 8pm manheru ano, tiri kuita hurukuro nevechidiki nezvenyaya yekushandisa zvinodhaka izvo zvokanganisa hutano hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG