Mutungamiri wesangano reCEO Africa Round Table VaKipson Gundani vanoti vari kutambirwa zvakanaka muAmerica nemakambani avari kushanyira nechinangwa chekutsvaga vekudyidzna navo.
Pasi pechirongwa ichi, vakuru vemabhizimisi ava vari kushanyira maguta akaita seTexas, New York ne Washington DC.
"Tiri kutarisira kuita misangano nemakambani akasiyana siyana emuAmerica mamwe atakambo zeya nawo munguva yapfura nemamwe matsva,"VaGundani vaudza Studio7.
VaGundani vanoti parizvino vari muNew York umo vakasvika vachibva ku Texas uye vakakwanisa kushanyira makambani makuru akaita seTelsa yamuzvinabhizimusi Elon Musk nemamwewo makambani makuru .
Facebook Forum