Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZanu PF Yekupisirwa Imba, VaSybeth Musengezi, Vanoti Chiitiko Ichi Hachisi Kuzovamisa Kupikisa Kudomwa kwaVaMnangagwa kuMatare


VaSybeth Musengezi, nhengo yeZanu PF yakapisirwa imba nevanofungidzirwa kuti vasori.
VaSybeth Musengezi, nhengo yeZanu PF yakapisirwa imba nevanofungidzirwa kuti vasori.

Nhengo yeZanu PF yakapisirwa imba pamwe nemotokari neMugovera manheru, VaSybeth Musengezi, vanoti chiitiko ichi hachisi kuzovavhundutsa kuti vasiyane nenyaya yavakakwidza kumatare edzimhosva yekupikisa kudomwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri webato reZanu PF, uko vanoti kwakaitwa zvisiri pamutemo.

Vanofungidzirwa kuti vasori vanonzi vakakanda mabhambu anonzi akagadzirwa nepeturu mumotokari uye nemumba maVaMusengezi muHarare, izvo zvakaparadza midziyo yavanoti inokosha kuzviuru zvinomwe zvemadhora ekuAmerica.

VaMusengezi vanoti panguva dzekudya kwemanheru alarm yepamba pavo yakarira zvakaita kuti vadongorere panze apo vakaona varume vana vaive vakapakata pfuti uye vakavhara kumeso.

Vanoti varume ava vakatanga kupwanya nekupisa motokari yavo vasati vapisa zvakare mumwe mupanda wemba mavakanga vatizira ivo nemhuri yavo.

Vanoti vanhu vose vashanu vaive mumba umu munguva yakaitika izvi vakakwanisa kubuda pasina akuvara.

VaMusengezi vanoti mapurisa akakwanisa kusvika pamba pavo mushure mechiitiko ichi, uye adzoka zvakare neSvondo achiita zvakasiyanasiyana mukuferefeta kwawo nekuedza kuziva kuti chii chakaitika.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vapirwa nezvenyaya iyi vachiti shoko rinogona kunge ranonoka kusvika kwavari nekuda kwekuti musi weSvondo. v

VaMusengezi vakabva kukwira kudare reHigh Court zvakare vachida kuti dare rimise kongiresi yeZanu PF iri kurongwa kuitwa munguva pfupi inotevera.

Mumagwaro avo kudare iri, vanoti kongiresi iyi haifanirwe kuenderera mberi sezvo paine nyaya ichiri kudare reHigh Court yavari kupikisa kusarudzwa kwaVaMnangagwa semutungamiri webato.

Vakakwirawo zvakare kudare reSupreme Court vachipikisa mutongo weHigh Court wekuti sangano reFederation of Non-Governmental Organisations Trust, kana kuti FONGO, rinotungamirirwa naVaGoodson Nguni, ribatanidzwa vano panyaya yaVaMnangagwa, uye nyaya iyi yanga ichitarisirwa kunzwikwa kudare neMuvhuro.

Hurukuro naVaSybeth Musengezi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG