Accessibility links

Breaking News

Meya veGuta reHarare VaMafume Vanoti Havasi Kuzotevedzera Kurudziro yeGurukota rezveKutongwa kweMatunhu, VaJuly Moyo paNyaya yePomona


Gurukota rezvekutongwa kwematunhu VaJuly Moyo (Columbus Mavhunga/VOA)

Meya veguta reHarare VaJacob Mafume, vanoti kanzuru yavo haisi kuzotevera kurudziro yegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Va July Moyo, yekuti idzosere chibvumirano chayo nekambani yeGeo Pomona Waste Management (Pvt) Ltd chekuchengetedzwa kwemarara kuPomona, icho chayakakanzura.

VaMoyo vakanyorera kanzuru tsamba svondo rino vachiti irase chisungo chayo chemusangano wayakaita musi wa 03 Nyamavhuvhu vachiti chinopesana nechikamu 314 (Chapter 29:15) chemutemo wekutongwa kwematunhu weUrban Councils Act uye hachinakire veruzhinji.

Kanzuru yakanga yanyorera bazi rezvekutongwa kwematunhu tsamba musi wa 26 Gunyana ichizivisa nezvechisungo chayo ichi, ichiti haina mari iri kunzi ibhadhare pamwedzi, iyo inonzi naVaMafume inodarika miriyoni yemadhora ekuAmerica pamwedzi.

Studio 7 yaedza kwazvo kubata VaMoyo asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi mutsamba yavo kukanzuru, VaMoyo vanoti kanzuru yeHarare haifanirwe kupikisana nematare edzmimhosva.

Ukuwo, VaMafume vanoti vachaverenga zviri mutsamba iyi vogara pasi kuti one matanho ekutora, asi vanokurudzira veruzhinji kuti vatore matanho vachiti mari iri kubiwa muhuwori hwavanoti huri kuitika muchibvumira ichi haisi kubva muhomwe yavo, asi kuti muhomwe dzeveruzhinji.

hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG