Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsigira Russia paHondo neUkraine Vamwe Vachiti Ko Inodei paNyama yeMweni


Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vari kuRussia uko vakataura pamberi pedare reparamende renyika iyi kana kuti State Duma vachitsigira danho reRussia rekupamba Ukraine vachiti nyika dzemugungano reNorth Atlantic Treaty Organization kana kuti NATO ndidzo dzakatanga musindo nekuda kuisa mauto munyika dzakapoteredza Russia dzaive pasi pemubatanidzwa weSoviet Union isati yaparara muna 1991.

Mashoko aVaMudenda anoteverawo mashoko akataurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachinyora mubepanhau reSunday Mail kuti Zimbabwe inotsigira Russia muhondo iyi.

KuUnited Nations, Zimbabwe yakarambawo kuvhota ichishora danho reRussia ichiratidza kuitisigira.

Izvi zviri kuuya apo America yakatemera VaMnangagwa nevamwe vavo zvirango iri kukurudzira Security Council yeUnited Nations kuti shore danho reRussia rekuita sarudzo yereferendum iri kushorwa pasi rose nechinangwa chekuda kupamba mamwe matunhu eUkraine.

Vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende vaPupurai Togarepio vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa pakudyidzana neRussia mekuti yakabatsira pahondo yerungunuko.

Asi Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vati Zimbabwe iri kuzvigokera moto muziso nekuda kutora divi pahondo iyi zvinozogona kuita kuti irambe yakarimirana kumuganhu neAmerica nedzimwe nyika dzekumawirira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG