Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo Hurricane Ian Rinorova Dunhu reFlorida muAmerica, Pachityirwa Mafashamu Makuru.


Masaisai akasimudzwa nedutumupengo Hurricane Ian.
Masaisai akasimudzwa nedutumupengo Hurricane Ian.

Dutumupengo Hurricane Ian rinonzi rasimba zvekuda kusvika muchikamu chine njodzi yakurisisa cheCategory 5 apo rapinda mudunhu reFlorida muAmerica. Vakuru vehurumende yedunhu iri vanonzi vakaudza vagari vakanga vasina kuda kubuda mudunhu iri kuti varambe varimo.

Mvura iri kukonzerwa nedutumupengo iri inonzi inogona kukonzera mafashamu kumahombekombe kweFlorida anotogona kudarika mamita matatu kukura.

Muzinda unoona nezvemadutumupengo uri mudunhu reMiami weNational Hurricane Centre, unoti dutumupengo iri rakasvika kuchamhembe kwakadziwa kumabvazuva kweFlorida neChitatu richisvikira pedyo neCayo Costa uye raimhanya nekukurumidza zvekusvika kumakiromita mazana maviri nemakumi mashanu paawa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe Doctor Gadziro Gwekwerere vari kuOrlando kwakare kuFlorida, vanoti Hurricane Ian yakonzerawo kudzima kwemagetsi uye kushaikwa kwemvura yemupombi mune dzimwe nzvimbo mudunhu iri.

Vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2.5 million, vanotarisirwa kubva munzvimbo dzavagare vachienda kunzvimbo dzakachengetedzeka.

Asi Doctor Gwekwerere vanoti ivo nemhuri yavo havasi kusiya musha wavo nechikonzero chekuti vari kuteverawo mafambiro ari kuita mvura iyi zvakaita kuti vaone kuti painozosvika kwavari inenge yadzikira hukasha zvakanyanya.

Vanotiwo madutumupengo ane mazita echirume haana hukasha hwakafanana nemadutumupengo anenge aine mazita echidzimai, nekudaro Hurricane Ian inogona kusazosimbisisa semamwe madutumupengo akamboonekwa aive nemazita echidzimai.

Hurukuro naDoctor Gadziro Gwekwerere
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG