Accessibility links

Breaking News

Bato Rinopikisa reCCC Roparura Gwaro Raro Rine Zvarinoti Zvigadziriswe Sarudzo Dzisati Dzaitwa


Mutauriri weCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzai Mahere
Mutauriri weCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzai Mahere

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, nhasi riri kuparura gwaro raro rinonzi PRE-ELECTION PACT ON ELECTORAL REFORMS, kana kuti PREPARE, iro rine zvinhu zvinomwe zvarinoti zvinofanirwa kutanga zvavandudzwa sarudzo dza 2023 dzisati dzaitwa. s

Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzai Mahere, vanoti mutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, vakatara gore rino ra 2022 segore rekuti mitemo inobata sarudzo ivandudzwe kuitira kuti sarudzo dza 2023 dzitambirike nemapoka ose achakwikwidza.

Muzvare Mahere vanoti zviri mugwaro ravo zvinomwe zvavanoda kuona zvichivandudzwa zvinoti wese mwana weZimbabwe ari kunze kwenyika kana mujeri apiwe kodzero yake yekuvhota sezviri mubumbiro remitemo, gwaro revavhoti riongororwe, chetatu, zvabuda musarudzo zviziviswe paine nguva.

Chechina vanoti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, ishandirwe nevanhu vasina kwavakarerekera, kwete kungozara mauto nenhengo dzeZanu PF chete. Chechishanu Muzvare Mahere vanoti bato ravo riri kuda kuti mashandiro emasangano enhau ari pasi pehurumende avandudzwe kuitira kupa mukana kumapato anopikisa.

Chechitanhatu vanoti vanhu vanofanirwa kuvhota vakasununguka, uye chechinomwe vachiti vanoda kuti nhengo dzemapato anopikisa dzisangoshungurudzwa misangano yadzo ichivhiringidzwa nekurambidzwa nemapurisa kana nenhengo dzebato riri kutonga.

Bato iri rinoti rakoka mapoka ose ane chekuita nesarudzo munyika anosanganisira masangano akazviomirira, venhau, vamiriri veparamende, makanzura, vamiriri vedzimwe nyika pamwe nemapazi ehurumende neZEC kuti vange varipo pakuparurwa kwegwaro ravo iri.

Hurukuro naMuzvare Fadzai Mahere
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG