Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Chinogara kuCalifornia muAmerica Chobatsira Vagari Veku Manicaland


Amai Maureen Gwarada
Amai Maureen Gwarada

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuCalifornia muAmerica amai Maureen Gwarada vanoti vakatanga sangano rekubatsira nedzidziso yenyaya yekuroodzwa kwevasikana vasati vabva zera kuManicaland kwavanobva.

Amai Gwarada vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwekuti vavake kiriniki kunzvimbo yekwa Gombakomba uko vagari veko varikutarisana nedambudziko rekufamba nzendo ndefu kuti varapwe.

Vanoti vakatotanga kutaura nekutsvaga rutsigirro kubva kune mamwe makambani emuAmerica kuti abatsire nezvikwanisiro sezvo vagari vemudunhu rekwa Gombakomba vakato tanga kukanya zvidhinha.

"Ndiri mubishi rekutsvaga rutsigiro rwekuti tikwanise kuvaka kiriniki ichabatsira vanhu vemudunhu rekwa Gombakomba avo vakatokanya zvidhuna zvaticha shandisa."

"Takato pihwa hwaro kubva kuhurumende pamusoro pema vakwirwo anofanirwa kuita kiriniki iyi,"Amai Gwarada vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG