Accessibility links

Breaking News

Dutu Rine Mhepo, Harricane Ian, Rotarisirwa Kurova Dunhu re Florida muAmerica Mushure meKuorva Cuba neChipiri


Dutu reHurricane Ian rinotarisirwa kusvika mudunhu reFlorida chero nguva kubva neChitatu
Dutu reHurricane Ian rinotarisirwa kusvika mudunhu reFlorida chero nguva kubva neChitatu

Dutu rine mhepo yakasimba rinonzi Hurricane Ian rinonzi nezuro rakarova kumawirira kwe Cuba, zvakasiya vanhu vanodarika miriyoni imwechete vasina magetsi.

Dutumupengo iri rave kutarisirwa kusvika mudunhu reFlorida muAmerica chero nguva Chutatu kana China richityirwa kuti rinenge rasimba zvakanyanya zvekupinda muchikamu chinotyisa nekuparadza che Category 4.

MuCuba, vehurumende vanonzi vakaisa nzvimbo makumi mashanu neshanu dzekugarisa vanhu vachitiza njodzi, uye vanhu zviuru makumi mashanu vakabviswa mudzimba dzazvo vachiendeswa kusina njodzi.

Mudunhu reFlorida, vanhu vanosvika mamiriyoni maviviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2.5 million, vanonzi vakatoziviswa kuti vabve munzvimbo dzavagare vaende kusina njodzi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muOrlando mudunhu reFlorida, Doctor Gadziro Gwekwerere, vanoti zvinhu hazvisi kuratidzika zvakanaka muFlorida sezvo kuine makore nemhepo zviri kukonzerwa nedutumupengo Hurricane Ian.

Doctor Gwekwerere vanoti zvavo hurumende yedunhu ravo iri kugarawo ichipa yambiro nekuvazivisa mamiriro anenge akaita zvinhu, vachiti chenjedzo dzinopiwa maawa makumi matatu nematanhatu njodzi isati yasvika, zvinopa veruzhinji mukana wekuenda kunzvimbo dzakachengetedzeka.

Doctor Gwekwerere vanoti vari kukurudzirwa kuti vaunganidze chikafu chisingakasiki kukanganisika, mvura, mari, mafuta edzimotokari pamwe nemishonga zvinopedza mazuva matatu kana kudarika uye kuti vange vachitevedzera zvinotaurwa nevakuru venzvimbo dzavo dzvagere.

Hurukuro naDoctor Gadziro Gwekwerere
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG