Accessibility links

Breaking News

Paramende Yokoka Veruzhinji Kuti Vazopa Pfungwa Dzavo kuMisangano yeKuzeya nezveBhajeti reGore Rinouya


Dare reParamende

Paramende yeZimbabwe yazivisa kuti iri kukoka veruzhinji kuti vapinde mumisangano yekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhajeti renyika regore rinouya ra 2023 iri kutanga musi wa 02 mwedzi unouya waGumiguru kusvika musi wa 08 Gumiguru.

Hurongwa uhwu hunonzi hunenge huchitungamirwa nekomiti yeparamende inoona nezvemari, ye Parliamentary Portfolio Committee on Budget, Finance and Economic Development ichishanda neimwe komiti yeparamende yeParliamentary Thematic Committee on Sustainable Development Goals uye huchange huchiitirwa mumatunhu makuru emunyika ari gumi.

Muvhidhiyo yakaiswa padandemutande reTwitter neparamende, mukuru muhofisi yeparamende inoona nezvebhajeti, VaPepukai Chivore vanoonekwa vachikurudzira veruzhinji kupinda munhaurwa idzi, vachiti zvakakosha kuti veruzhinji vape pfungwa dzavo.

Chikamu 141 chebumbiro remitemo yenyika chinosungira paramende kuti iite misangano yekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pemabhiri nebhajeti.

Hatinga kukwanisa kubata nhengo dzemakoti peramande maviri aya kanawo VaChivore kuti tinzwe zvizhinji.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti havaoni misangano yakadai chibatsira zvakanyanya sezvo veruzhinji vagara vachinyunyuta kuti pfungwa dzavo hadziiswi mumabhajeti enyika aya.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG