Accessibility links

Breaking News

VaMasisi Vosimbaradza Kuti Zvirango Zvibviswe, America Ichiti VaMnangagwa Ngavamire Kutonga neDemo


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vanoti vari kuda kutaura nehurumende yeAmerica kuti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagw nevamwe vavo nehurumende yeAmerica zvibviswe. Asi hurumende yeAmerica inoti kana vatungamiri venyika vakaramba vachityora kodzero dzevanhu zvirango hazvisi kuzobviswa

Vachitaura nevatori venhau vachangosvika panhandare yendege yeSir Seretse Khama International Airport iyo iri muguta guru renyika iyi reGaborone nhasi mangwanani, VaMasisi vati vakazvipira kuita mutongi gava maenzanise pakati peZimbabwe neAmerica munyaya yezvirango.

VaMasisi vavimbisa kuti vachaita zvose zvavanogona kuona kuti izwi rekuramba zvirango raita maungira pasi rose.

VaMnangagwa vadzokawo munyika nhasi kubva kumusangano weUnited Nations uye vati vari kufara kuti vakawana rutsigiro rwevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti zvirango zvibiswe.

Mutevedzeri wemunyori mukuru mudare remakurukota uye vari vari mutauriri wemtungamiri wenyika, VaGeorge Charamba vaudza Studio7 kuti zvave pachema semhanza yembudzi kuti nyika zhinji kunyanya idzo dziri mudunhu reSADC dzoramba dzakamira neZimbabwe semusambangwena panyaya yezvirango.

Asi vachipindura mashoko ekuti zvirango zvibviswe, mumiriri weAmerica muSouth Africa VaReuben E Brigety vakaudza vatori venhau veNews24 kuti America haisi kuzobvisa zvirango izvi nekuti haitendi kuti ndizvo zvaondonga hupfumi hweZimbabwe.

Vanoti zvirango izvi zvakatemerwa vatungamiri vari kupomerwa mhosva dzekutonga nedemo uye hazvinei nevanhuwo zvavo.

VaBrigety vati vatungamiri veZimbabwe vakatendeuka nekumira kutyora kodzero dzevanhu zvirango izvi zvinoswera zvabviswa.

Mutauriri webato rinopikisa munyika reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere vatiwo nyaya yekutadza kutungamira ndiyo yapa kuti Zimbabwe iite seyakageza negoka munyama

Mashoko aMuzvare Mahere atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvemagariro evanhu, VaTendai Mbofana avo vati kubviswa kwezvirango hakungapedze nhamo yadai kupfunya chisero munyika nokuda kwehuori.

America yakatanga kutemera vakuru muhurumende nevavanodyidzana navo zvirango muna 2001. Vatungamiri venyika yeAmerica kutanga kuna VaGeorge Bush, VaBarack Obama, VaDonald Trump naVaJoe Biden vari kuramba vachizviwedzera gore roga roga hupenyu hwezvirango izvi vachiti vakuru vehurumende vari kuenderera mberi nekutyora kodzero dzevanhu zvokonzera kusagadzikana mudunhu rese rekuchamhembe kweAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG