Accessibility links

Breaking News

Kudzimwa kweMagetsi Kwopa Kuti Mamochari Asashande Zvakanaka


Nyaya yekudzimwa dzimwa kwemagetsi nekambani yeZESA inonzi yave kukanganisa zvikuru zvinhu kune zvimwe zvipatara zvakaita seMasvingo uye kumaindustry nyika yose.

Mumwe mugari wekuMasvingo, Amai Entrance Takaedza vanoti nekuda kwekunetsa kwemagetsi imba inochengeterwa vashakabvu vasati vatorwa nehama dzavo yave kubudisamweya unonhuwa zvakanyanya pachipatara cheMasvingo General Hospital.

Mukoti wepachipatara ichi Muzvare Harina Mafura anoti dambudziko rawedzerwa nekuti magetsi esimba rezuva haasi kushanda zvakanaka zvokanganisa vanenge vachida kuvhiyiwa kana kuvhenekwa kana kuti maX ray.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMasvingo VaAmedus Shamu vaudza Studio 7 kuti vanoda nguva yekuona kuti vatatise kuti dzimwe mhando dzemagetsi dzavanoshandisa dzakaita sezuva kana kuti solar uye magenareta zviri kushanda zvakanaka here. Asi vanoshanda kuchipatara chikuru cheParirenyatwa muHarare vati havana havo dambudziko iri parizvino.

Zvipatara handizvo chete zvasangana nedambudziko iri sezvo zvinhu zvisinawo kumira zvakanaka kumaindustry.

Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi VaNyasha Muchichwa vati nyaya yekushaikwa kwe magetsi yave kukanganisa hupfumi hwenyika zvakanyanya.

VaMuchichwa vatiwo magetsi ari kukanganisa zvidzidzo mune zvimwe zvikoro vachiti zvikaramba zvakadai zvinogona kukanganisa avo vakatarisana nekunyora mazamanishoni sema grade 7, form 4 nema form 6.

Mumwe mugari wekuMucheke, muMasvingo VaTarisai Mangezi vanotiwo basa ravo riri kukanganiswa zvakanyanya nenyayayemagetsi.

Amai Hilda Sibanda vati vari kupedza zuva rose vasina magetsi mudzimba zvopa kuti vatsvage dzimwe nzira dzekuti vakwanise kubika asi zvichidhura.

Sangano rinomiririra vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance(MURRA), rinoti kuenda kwemagetsi kuri kuita kuti vagari vashaiwe mvura mudzimba sezvo ari kudzimwa kuchiteshichinopombwa mvura.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muMURRA, Muzvare Rumbidzai Magurupira vanoti ZESA iri kutyora murawu wekudzima magetsi kunzvimbo dzakakosha sekumvura nechipatara.

Vanoona nezve kufambiswa kwemabasa musangano rinorwira kodzero dzeve chidiki muMasvingo re Community Tolerence and Reconciliation (COTRAD), VaZivanai Muzorodzi vati vechidiki vakawanda vanenge vachida kunyoresa kuvhota varikudzorerwa kudzimba vatadza kunyoresa kuvhota nedambudziko remagetsi

Mahofisi akawanda emakanzuru nehurumende haanao basa raari kuita nekudakwekushaikwa kwmagetsi uku.

Mutauriri weZESA munyika, Doctor George Manyaya, vati vangevasingakwanisi kutaura neStudio 7 panhare asi vatumira mashoko avo avakabudisa kuvatori venha

Mumashoko aya, ZESA inoti kushaikwa kwemagetsi munyika kwakawedzera kutanga musi wa 24 mwedzi uno nenyaya yekufa kwemishina inogaya magetsi kuHwange nekuKariba uye kushaikwa kwemari yekutenga magetsi kubva kunze kwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG