Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chinogara muSouth Africa Chinogadzira Waini, VaTinashe Nyamudoka, Votambirwa Zvine Mutsindo muAmerica


Tinashe Nyamudoka
Tinashe Nyamudoka

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muSouth Africa, VaTinashe Nyamudoka, vanoti vari kutambirwa zvakanaka muAmerica umo vari kushanya vachitengesa waini yavanogadzira kukambani yavo inonzi Kumusha Wines.

VaNyamudoka vanoti vakatanga kugadzira waini iyi kubva mumadzmbiringa mushere mekushanda munzvimbo dzekudyira muSouth Africa makore apfura.

Tinashe Nyamudoka
Tinashe Nyamudoka

Vanoti vakabatana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zvinoshanda munzvimbo dzekudyira vakaita firimu rinonzi "Blind Ambition", iro riri kuratidzwa munzvimbo dzavari kushanyira muAmerica.

Vachange vachiita chirongwa chekupa nzwisa yendudzi dzewaini yavo dzakasiyanasiyana kuEra Wine Bar muWashington DC.

Vanoti vachange vachishanda nekambani yeMukuyu Winery iri kuMarondera kuZimbabwe kuti vagadzire dzimwe mhando dzewaini sezvo pari zvino mdzavari kugadzira dziri kunzii ndedze kuSouth Africa.

"Shuwiro yangu ndeyekuti ndikwanise kushanda nemamwe makambani ekumusha nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvine hunyanzvi munyaya dzezve kunwa nechikafu, tisimudzire nyika, "VaNyamudoka vaudza Studio7.

Pari zvino vari kugadzira mhando pfumbamwe dzewaini dziri kutengeswa munyika dzakasiyanasiyana, kusanganisira South Africa, Zimbabwe neAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG