Panguva iyo nhengo dzemamwe masangano evarairidzi ari pasi pemubatanidzwa weFederation of Zimbabwe Educators Union, FOZEU, dzakapinda mukuramwa mabasa kubva neMuvhuro dzichida kuti hurumende iwedzere mihoro yevashandi vayo, mumwe mubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, unoti hausi kumhanyira kupinda mukuramwa mabasa.
Sachigaro vemubatanidzwa uyu, Amai Cecilia Alexander, vanoti vari kumboda kupa mukana kuhurukuro nehurumende dzakatangwa Chipiri chadarika, vachiti mutemo wenhaurirano unoti kana madzitanga chimbopedzai nezvadzo musati matora matanho ekuramwa mabasa.
Amai Alexander vanoti vanotarisira kuti svondo rino hariperi hurumende isati yashevedzera mumwe musangano kuitira kuti vapedze hurukuro dzavakatanga svondo rapera, apo hurumende yakazivisa kuti ichawedzera vashandi vayo mari dzavari kutambira dziri mumadhora ekuAmerica nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana.
Asi vashandi vanonzi vakati vari kuda kuti mihoro yavo yavanopiwa iri mumadhora emunyika iwedzerwewo zvakare, uye kuti mari dzekubatsirika dzinopiwa vashandi dzitarisiswewo.
Facebook Forum