Accessibility links

Breaking News

Hopewell Chin'ono Okurudzira Kuvandudzwa kweZEC Kuti Sarudzo Dzisaite Mutauro


Hopewell Chin'ono
Hopewell Chin'ono

Mutori wenhau Hopewell Chin’ono anoti Zimbabwe inokwanisa chete kuita sarudzo dzakachena ndokunge komisheni inoona nezvesarudzi yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC yavandudzwa.

Sachigaro weZEC Justice Priscilla Chigumba negurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanogara havo vachiti ZEC yakazvimirira uye haitori divi panyaya dzezvematongerwo enyika.

Chino’no ari pakati pezvimwe zvizvarwa zvezimbabwe zviri muNew York pamusangano wakarongwa nebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kuzeya nyaya dzehutongo hwejekerere. Vamwe varipo vanosanganisira Pastor Evan Mawarire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG