Accessibility links

Breaking News

Mubatanidzwa weMasangano eVarairidzi, weFOZEU, Unoti Varairidzi Vachaenderera Mberi neKuramwa Mabasa Kutanga Muvhuro


Sachigaro weFOZEU, VaObert Masaraure
Sachigaro weFOZEU, VaObert Masaraure

Mubatanidzwa unomirira masangano evarairidzi, weFederation of Zimbabwe Educators Union, FOZEU, unoti nhengo dzawo dzichaenderera mberi nehurongwa hwekuramwa mabasa kutanga nhasi kunyange hazvo hurumende yakavimbisa kuwedzera dzimwe mari dzinotambirwa nevashandi vayo dziri mumadhora ekuAmerica.

Svondo rapera vamiriri vehurumende nevamiriri vevashandi vayo vakaita musangano wekuzeya nyaya dzemihoro, hurumende yakati ichawedzera mihoro nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana pamari dziri kupiwa vashandi dziri mumadhora ekuAmerica.

Asi vashandi vanonzi vakati vari kuda kuti hurumende iwedzerewo zvakare mihoro yavanotambira iri mumadhora emunyika, asi hapana chisungo chakabuda, zvaita kuti zvikwata zviviri izvi zvitarisirwe kusangana zvakare mangwana.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro vemumwe mubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, Amai Cecilia Alexander, kuti tinzwewo pamire sangano ravo sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Asi sachigaro ve FOZEU, VaObert Masaraure, vanove zvakare mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe, vanoti kunyange hazvo paine nhaurirano dziriko neChipiri, mubatanidzwa wavo uchapinda munhaurirano idzi asi nhengo dzawo dzichienderera mberi nekuramwa mabasa sezvakasungwa nevashandi vehurumende.

Gurukota rezvemari, Muzvnafundo Mthuli Ncube, vakanga vakavimbisa vashandi vehurumende kuti hurumende ichavawedzewedzera mihoro yavo mwedzi uno, asi izvi hazvina kubudirira, izvo zvakaita kuti masangano anomiriran vashandi vehurumende vese asunge svondo rapera kuti nhengo dzawo dzaizoramwa mabasa kutanga musi wa 26 mwedzi uno kana pasina chaitwa nehurumende.

Asi hurumende inozni yakati haioni chingaita kuti vashandi varamwe mabasa ivo vawedzerwa mihoro yavo inouya iri mumadhora ekuAmerica, uye pachine mukana wenhaurirano dziri kuenderera mberi.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG