Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotumira Nhumwa kuLimpopo Mushure Mekunge Zvizvarwa zveNyika Zvitatu Zvapiswa Ndokufa


Bazi rinooona nezvekudyidzana nedzimwe nyika ranyora padandemutande raro reTwitter nhasi kuti ratumira vanhu kubva kumuzinda weZimbabwe uri muSouth Africa kunoongorora nyaya yekuurayiwa kwezvizvarwa zveZimbabwe kuMakhado, mudunhu reLimpopo, South Africa musi wa 17 mwedzi uno.

Hurumende yeZimbabwe yati iri kunetsekana zvikuru nekufa kwezvizvarwa zvenyika zvitatu izvi. Mutauriri wemapurisa mudunhu reLimpopo Sergeant Tshifhiwa Irene Radzilani vakaudza vatori venhau kuti vanhu ava vakatsva zvekusazivikanwa uye vave kuferefeta mhosva iyi vakazviita vachipomerwa mhosva yekuponda.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika mazana maviri zvinonzi zvakatiza kunopotera mumasango nekutya kupondwa.

Vatatu vakapiswa nemoto kusvika vafa vaipomerwa mhosva yekuba masolar panel.

Chikwata chekumuzinda weZimbabwe chiri kusangana nemadzishe , makanzura emunzvimbo iyi uye vanorwira kodzero dzevanhu neveRed Cross vari kushanda nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munzvimbo iyi. Hatina kukwanisa kubata mumiriri weZimbabwe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi sezvo nharembozha yavo yange isiri kupinda.

Asi munyori mukuru musangano reZimbabwe Migrants Support Network VaShelton “People’s General” Chiyangwa vati havaone chikwata chatumirwa ichi chichikwanisa kugadzirisa zvinhu.

Vakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti igadzirise zvinhu munyaya dzezvehupfumi kuti vanhu vasatsvage mafuro manyoro kuSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG