Accessibility links

Breaking News

Dare reSeneti Rinotambira Kudomwa kwaAmai Amanda Bennett seMukuru Kana Kuti CEO weBoka reNhau reUSAGM


Amai Amanda Bennett vakatmbirwa neseneti kuti vave mukuru weUSAGM
Amai Amanda Bennett vakatmbirwa neseneti kuti vave mukuru weUSAGM

Dare reseneti muAmerica nemusi weChina rakatambira kudomwa kwaAmai Amanda Bennett semukuru, kana kuti Chief Executive Officer mutsva weboka rehurumende yeAmerica rakazvimirira rinotepfenyura nhau nekuburitsa mashoko, reUnited States Agency for Global Media, kana kuti USAGM.

Vachizivisa nezvekudomwa kwaAmai Bennett uku, vakafanobata chigaro chaChief Executive Officer veUSAGM, Amai Kelu Chao, vakati Amai Bennett mutori wenhau ane hunyanzvi hunoratidzwa kuburikidza nekuwana kwavo mubairo wePulitzer Prize kaviri.

Vakaenderera mberi vachiti munhu ari kuunza pachigaro ichi ruzivo rwunodarika makore makumi mana rwekuferefetwa kwenhau muAmerica pamwe nekunze kweAmerica, ruzivo rwekutungamira boka remabhizimusi, uye kutungamira muhurumende.

Amai Chao vakati chakanyanya kukosha ndechekuti Amai Bennett vanogoverana nevamwe kuzvipira kwakadzama kwekutorwa kwenhau kwepamusoro, chidokwadokwa chekutorwa kwenhau dzechokwadi uye kwakasununguka, kuzvipira kuchengetedzeka kwevatori venhau nevateereri vavo, nekusarerekera mativi pakuzadzisa zvisungo zvemashandiro eboka reUSAGM.

Amai Chao vakati kutambirwa kwaAmai Bennett nedare reseneti mucherechedzo wekukosha kweboka reUSAGM mukuwanisa vanhu nhau dzechokwadi uye kutsigira rusununguko nehutongo hwejekerere pasi rose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG