Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inorasa Chisungo Chekuti Mitero Ibhadharwe muMadhora ekuAmerica Chete


Myea veHarare, VaJacob Mafume

Kanzuru yeguta reHarare nemusi weChina yakazivisa kuti yashandura chisungo chayo chayakambenge yatora chekuti vagari vabhadhare mitero yavo nemari yemadhora ekuAmerica chete, izvo zvakanga zvasimudza mutauro mukuru.

Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vanoti vakamanikidzwa kutora danho iri zvichitevera kuvharwa kwakanga kwaitwa mabhuku ekanzuru ekumabhanga ainochengetera mari yekunze nechikwata chezvekusora chebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, cheFinancial Intelligence Unit.

VaMafume vanoti zvichitevera musangano wechimbichimbi wavakaita nezuro, vakaona zvakakodzera kuti vambobvisa mutemo uyu, zvavanoti zvichapa vagari mukana wekubhadhara mitero yavo nemadhora emunyika kana ekuAmerica.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa murimwe sangano revagari, reCombined Harare Residents Association, CHRA, VaReuben Akili, vanoti vanotambira nemufaro danho ratorwa nekanzuru iri sezvo ranga richiomesera vagari.

Hurukuro naVaReuben Akili
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG