Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Hadzione ZEC Ichitara Miganhu yeSarudzo neNguva


Zimbabwe Electoral Commission

Dzimwe nyanzvi mune zvemitemo dzinoti nguva yave shoma yekuti kuganhurwa kwemiganhu ine chekuita nesarudzo zvinogutsa kubudirire sarudzo dza2023 dzisati dzaitwa asi komishini inoona nezvesarudzo nekutarwa kwemiganhu yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) ichiti zvese zvirimugwara.

Rimwe remasangano ari kushushukana ndereVeritas rinoongorora kufambiswa kwemabasa mudare reparamende nekuongorora kutevedzerwa kwemitemo.

Vachitaura neStudio 7 mutauriri weVeritas, VaValentine Maponga vati miganhu yakapedzisira kutarwa muna 2008 nekudaro pane basa guru.

Vati pamutemo, miganhu inofanira kunge yaganhurwa mukupera kwaNdira gore rinouya.

Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaIan Makone vatiwo vari kushushikana nechinono chiri kuitwa neZEC

Vachitaura neStudio 7 , VaSolomon Bobosibunu vatiwo parizvino hazvisi pachena kuti kuganhurwa kwemiganhu kuchaitwa nenguva here vachitiwo ZEC iri kuita fungira mumoyo rwendo rwembwa.

Murongi wemabasa musangano reZimbabwe Election Support Network (ZESN) Amai Ellen Dingani vatiwo sesangano varikukurudzira ZEC kuti iparure chirongwa chekutarwa kwemiganhu nguva iripo.

Mutauriri weZimbabwe Electoral Commission (ZEC), VaJasper Mangwana vati komisheni yavo iri mugwara uye varikutarisira kuti vanenge vapedza basa rekutara miganhu kupera kwegore rino.

VaMangwana vati vanhu havafaniri kuvhunduka kana kufungira kuti komisheni yavo ichatadza kubata nguva kuti miganhu yavachaita ishande pasarudzo dza2023.

Mushandi mukuru mubazi rezvekubuditswa kwemashoko muZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vati nguva ichipo yekuti basa iri riitwe nemazvo.

Kana ZEC ikakundikana kutara miganhu iyi nenguva, mutemo unoti sarudzo dza2023 dzinoitwa kuchishandiswa miganhu yakashandiswa pasarudzo dza2018 iyo yainge iine mutauro wakanyanaya sezvo vanopikisa yaiti zvakaitwa zvaida kupa Zanu-PF mukana wakakura wekukunda.

Nyaya ina Rutendo Mawere- DELIMINATION
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG