Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voenda Kunotenga Zvekudya kuBotswana Sezvo Mitengo Isiri Kudzika muNyika


Zvizvarwa zveZimbababwe zvakawanda zvatanga kuenda nehuwandu hwazvo kunyika dzakapoteredza zvikuru kuBotswana kunotenga zvinhu zvekudya nekutengesa.

Izvi zviri kukinzerwa nekudhura kwezvinhu munyika kunyangwe zvatanga kuderera munyika dzakapoteredza.

Ongororo yakaitwa neWorld Bank yakaburitsa pachena kuti Zimbabwe ndiyo nyika inonyanya kudhura zvinhu zvekudya zvakanyanya pasi rino.

Kazhinji kana mitengo yezvinhu ikaramba ichiita chamurambamhuru munyika vanhu vanoenda kunotenga kuBotswana, Mozambique, South Africa uye mazuva ano vakawanda vari kuenda kuZambia uko kune hupfumi hwagadzikana kubva zvakagadzwa VaHikainde Hichilema semutungamiri.

Muzvare Margret Mashayamombe vanogara muguta rePlumtree vaudza Studio7 kuti vave kunotenga kunze sezvo mitengo yezvinhu muzvitoro iri kuramba ichikwira izvo zvinoita kuti vanhuwo zvavo vatadze kuwana kana zvekudya.

Vanoti vanotenga zvinhu zvavo kupera kwemwedzi wega wega muguta reFrancistown iro riri chinhambwe chemakiromita asingadariki zana kubva muPlumtree. Vanotiwo nekuda kwekudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid 19, kuenda kuBotswana kwave nyore.

Mumwe anoona kuti zvakamurerukira kutenga muBotswana ndiAmai Cecilia Muzanenhamo avo vanoti vanotenga zvinhu zvakafanana nemafuta ekubikisa, sipo yekuwachisa, majarini uye mukaka hweupfu nezvimwewo kana pagore.

Nekumbobviswa kwakaitwa mitero yekupinzwa zvinhu muZimbabwe nehurumende vati kutenga kunze kuri nani sezvo mitengo yezvinhu muzvitoro yakaderera muBotswana.

Muna Chivabvu, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakabvisa mitero pane zvimwe zvinhu zvinotengeswa kunze mushure mekuneg vanogadzira zvinhu munyika varamba kudzikisa mitengo. Zvakanzi zvinokwanisa kupinzwa pasina mutero zvinosanganisira mafuta ekubikisa, hupfu, mushonga wemazino, sipo yekugezesa, mupunga nezvimwe.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti danho iri rinogonawo kupa kuti makambani emunyika avhare nekugumura vashandi.

Studio7 yaitawo ongororo yayo iyo yaratidza kuti chigubhu cheMazoe Orange Crush chiri kutengeswa nedhora rimwe chete nemasendi makumi mashanu muzvitoro zveBotswana asi muZimbabwe chinwiwa ichi chiri kutengwa nemadhora matatu ekuAmerica.

Chigubhu chemarita maviri chemafuta ekubikisa chiri kutengeswa nemadhora matatu nemasendi maviri ekuAmerica muzvitoro zvekuBotswana asi munyika chiri kuita madhora mana nemasendi masere ekuAmerica.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari mudzidzisi wezvemabhizinesi pachikoro cheGaborone University College of Law and Professional Studies, VaThomas Muzavazi vati Zimbabwe inyika inodhura zvinhu nokuda kwemamiriro ehupfumi hwayo hwakaita manyama amire nerongo.

VaMuzavazi vati kugarira badza kwevarimi vemuZimbabwe uye hondo yekurwiswa kweUkraine neRussia zvave kupa kuti Zimbabwe ikundikane kuwana chikafu chakakwana.

Vanamuzvinabhizimisi vekuBotswana vati kutarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvichaenda kunyika iyi sezvo kuSouth Africa kunoenda vakawanda kwave nedambudziko guru rekushaikwa kwemagetsi ropa kuti vanhu vapedze mazuva vari paBeitbridge.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG