Accessibility links

Breaking News

Amai Sikhala Vonzi Vadzoke Zvakare kuDare


Amai Ellen Sikhala
Amai Ellen Sikhala

Amai Ellen Sikhala, mudzimai wemumiriri weZengeza West mudare repararmende, VaJob Sikhala, veCitizens Coalition for Change (CCC), avo vakasungwa nemusi weChipiri vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wepamugwagwa vamiswa pamberi pedare nhasi vakanzi vadzoke kudare apo pachatanga kutongwa nyaya yavo.

Gweta raAmai Sikhala, VaPaidamoyo Saurombe, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vati Amai Sikhala vauya kudare nemasamanisi nekudare pange pasina chikonzero chekuti vabhadhare mari yechibatiso.

Vati nyaya iri kupomerwa Amai Sikhala inyaya diki uye vanogona kubhadhariswa faindi kana vachinge vabatwa nemhosva.

Vange vachichuchisa nyaya iyi ndiMuzvare Polite Chikiwa naMuzvare Polite Muzamani. Mutongi ange ari Amai Evelyn Mashavirakure. Vachuchusi vari kuti Amai Sikhala vakatyaira motokari kudivi risiri iro muna Seke Road.

Amai Sikhala avo vakasungwa vachienda mujeri reChikurubi kunoona murume, vari kuramba mhosva iyi.

Vari pakati pevamwe vanhu makumi masere nemumwe vakusungwa nemusi weChipiri apo pakatangwa chirongwa chemapurisa chekusunga motokari dzisina maNumber Plates nemamwe magwaro.

Murume wavo VaSikhala avo vari muhusungwa kwemazuva anodarika zana kuChikurubi vanyorawo tsamba kuruzhinji rweZimbabwe iyo yapihwa Studio 7 nemagweta avo. VaSikhala mutsamba iyi vati vari kushungurudzwa nenyaya dzezvematongerwo enyika asi vakati mufaro uchauya nekuti chisingapere chinoshura.

Vatendawo mhuri yeZimbabwe nekuvarangarira vari muhusungwa. Vati chido chavo kuti munyika muve nemufaro kumunhu wose zvisinei nekuti wabuda mumba maani.

Zvichakadaro, kambani yeZimbabwe National Road Authority (ZINARA) yazivisa nhasi kuti kutanga musi wa1 Gumiguru, motokari dzese dzisina mitero nemamwe magwaro hadzisi kuzobvumidzwa kudarika pamaTollgates ese munyika.

Muchiziviso chayo nhasi ZINARA yati mutemo haubvimidze motokari dzisina mitero nemamwe magwaro hadzibvumidzwe kunge dzichitenderera munyika.

Mutauriri weZINARA, VaTendai Mugabe, vaudza Studio 7 kuti vari kushanda nemapurisa nemamwe mapazi ehurumende mukuona kuti vanhu vatevedza mutemo.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner, Paul Nyathi, vati chirongwa chavakaparura svondo rino chekubata motokari dzisina mitero nemaNumber Plates pamwe nevanhu vanoshandisaa motokari idzi chiri kuenderera mberi uye vachazivissa huwandu hwevanhu vasungwa nemotokari dzabatwa svondo rino mangwana.

Mapurisa anoti motokari dzisina maNumber Plate nemamwe magwaro ndidzo dziri kushandiswa vari kupara mhosva dzakaita sekuponda, kubhinya pamwe nekuba pachishandiswa pfuti.

Mune imwewo nyaya kumatare nhasi, dare rarasa mutongo wemwedzi gumi nemina wainge wapihwa imwe nhengo kubazi revechidiki muCCC, VaMakomborero Haruzivishe, nedare ramijistiriti pamhosva yavaipomerwa yekukonzera mhirizhonga.

Gore rapera dare ramajisitiriti muHarare, VaHaruzivise vakabatwa nemhosva mbiri, yekukonzera mhirizhonga pamwe neye kuramba kusungwa uye vakatongerwa kugara mujeri kwemwidzi gumi nemina panyaya mbiri idzi.

Asi VaHaruzivishe avo vaimirirwa naVaKossam Ncube veZimbabwe Lawyers for Human Rights vakapikisa mutongo wedare iri nechirango charakapa izvo zvaraswa nedare repamusoro nhasi.

KwaMutare dare reHigh Court nhasi rarambidza Chipinge Rural District Council kudzinga vagari vekumaruwa ekwaKondo kuWard 16 uko kwairi kuda kuvaka Growth Point.

Gweta revagari ava Muzvare Peggy Tavagadza, vaudza Studio 7 kuti mutongo wapihwa nedare unoreva kuti hapana achakanganisa vanhu ava pakugara kwavo.

Mhuri dzinodarika mazana mashanu dzange dzatopihwa magwaro ekuti dzibve panzvimbo uye izvo zvakazoita kuti vakwire kudare vachipikisa izvi.

Nyaya ina Godwin Mangudya- COURTS
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG