Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Vanoti VaMnangagwa Vange Vachiita Gudziramukanwa kuUnited Nations


VaEmmerson Mnangagwa kuUnited Nations General Assembly
VaEmmerson Mnangagwa kuUnited Nations General Assembly

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagawa nhasi vataura pamberi pedare reUnited Nations pamusangano wechimakumi manomwe nemanomwe kana kuti 77th Session.

Vachitaura pamberi pegungano iri sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, VaMnangagwa vakudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika zvibviswe. Vatenda SADC nekuvabatsira kukurudzira kuti zvirango zvibviswe. Asi vakatemera zvirango vakait seAmerica vanoti zvirango izvi hazvina kutemerwa nyika asi VaMnangagwa nevamwe vavo vanotonga nedemo.

VaMnangagwa vaudza gungano iri kuti vakwanisa kuunza hutongo hwejekere munyika. Vati chavanoda kuti vanhu varatidzire murunyararo.

Asi vanopikisa vakaita saVaDavid Siyamupondo vanoti munyika yeZiimbabwe makaberekera ingwe vachiti kusungwa kwmumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala nemumiri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole nevamwe gumi nevana kwemazuva anodarika zana munongedzo mekuti munyika hamuna rugare.

Panyaya yechirwere cheCovid-19, VaMnagagwa vati hurumende yavo yakakwanisa kurwisa chirwere cheCovid-19.

Zimbabwe yakabatsirwa hayo neChina nedzimwe nyika dzekunze mukurwisa chirwere ichi.

VaMnangagwa vativo nyika yakwanisa kurwisa nzara kunyangwe kusanaya kwemvura kwakanganisa goho.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nevanopikisa vanoti kugarira badza kwevarimi vatema vakawanda, nyika iri kutadza kukohwa pakuru.

Panyaya yedzidzo, VaMnangagwa vati Zimbabwe yabudirira kuvandudza dzidzo. Vati hurumende yavo iri kukwanisa kuwanisa vanhu vose dzidzo sekodzero yavo.

Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vati pane ongororo yakaitwa neTransparency International inoti vana vanosvika miriyoni imwe chete muZimbabwe vakakundikana kuenda kuchikoro vazhinji nekushaya mari.

Apo VaMnangagwa vange vachitaura chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaZvaringeni Samuel Chasi vebato re People's Patriot Party vange vachiratidzira panze pemuzinda weUnited Nations. VaChasi vaudza Studio 7 kuti havasi kufara kuti munyika hamuna rugare nekuda kwekutonga nedemo kwaVaMnangagwa. Vati vakawana mukana vanosunga VaMnangagwa vovaendesa kumapurisa kana kuti citizen arrest.

Vachitaura nezvekuratidzira uku, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati vanhu vakasungunuka kuratidzira asi hazvikanganise VaMnangagwa kuita basa ravo.

Musangano weUnited General Assembly uyu uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika dzepasi rino kana kuti A watershed moment: transformative solutions to interlocking challenges”.

Musangano uyu wakatanga musi wa19 Gunyana uye

Nyaya in Blessing Zulu -UNGA
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

musi wa 26 Gunyana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG