Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanoti Zimbabwe Yaita Zvikuru muKuremekedza Kodzero dzeveMapoka Maduku Munyika


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakati Zimbabwe yaita zvakawanda kwazvo mukuremekedza nekutsigira kodzero dzevanhu nemarudzi nemasangano madiki muzimbabwe.

VaMnangagwa vakaudza mumwe musangano wavakapinda parutivi pemusangano mukuru weUnited Nations General Assembly kuNew York, wekurangarira makore gumi nematatu echisungo chekuremekedza kodzero dzevemarudzi kana masangano madiki, kana kuti Adoption of the Declaration on the Rights of Persons Belonging to National or Ethnic, Religious and Linguistic Minorities.

Mutungamiri wenyika vari kutarisirwa kutaura nhasi kumusangano weUnited Nations General Assembly wechimakumi manomwe nenomwe, kana kuti 77th Session, uye vari kutarisirwa kutaura pamusoro pezvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe, kunyange hazvo zvirango izvi zvichinzi zvakatemerwa ivo VaMnangagwa nevamwe vavo muhurumende yavo.

VaMnangagwa vanonzi vari kutarisirwawo kutaura nezvekuti Africa iwanewo chigaro muUnited Nations Security Council, umo mune nyika shanu chete pari zvino. Vachitaurawo nezuro kumusangano uyu, mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakatiwo vanotsigira kuwedzerwa kwenhengo dzeSecurity Council, kunyange hazvo vasina kutaura kuti inyika dzipi dzingapinda.

VaMnangagwa vari kutaura panguva iyo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuratidzira kumusangano uyu zvichinyunyuta kuti hurumende yavo iri kutyora kodzero dzevanhu uye kushungurudza vanopikisa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachitungamira bato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti zvakakosha kuti mutungamiri wenyika ange achitaura kumusangano uku sezvo Zimbabwe iri nhengo yesangano reUnited Nations, asi chakakosha ndechekuti zvii zvaachataura nekuti vana veZimbabwe vari kutambura.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG