Accessibility links

Breaking News

Sangano reDeaf Zimbabwe Trust Rokurudzira veMapato eZvematongerwo eNyika Kupa Mikana Kune Vakaremara


Deaf Zimbabwe Trust
Deaf Zimbabwe Trust

Sangano rinomirira vasinganzwe nevasingataure, reDeaf Zimbabwe Trust nesangano reDisability Reform Coalition neChitatu rakaita musangano nevemapato ezvematongerwo enyika wakanangana nekuti vezvematongerwo enyika vapewo mikana kune vakaremara kuti vabatewo zvigaro mune zvematongerwo enyika.

Mukuru weDeaf Zimbabwe Trust, Amai Barbara Nyangairi, vanoti sangano ravo reDeaf Zimbabwe Trust nderimwe remasangano gumi nemana akauya pamwechete akaumba mubatanidzwa weDisability Reform Coalition, ayo akauya pamwechete kuti aone kuti chii chingaitwa kuti vanhu vakaremara vawane mikana yakaenzana munyaya dzezvematongerwo enyika.

Amai Nyangairi vanoti vakatora danho rekubatana iri nekuti vari kuona kuti vakaremara vari kusaririra zvikuru mukubata pamwe nevamwe munyaya dzakaita semakanzura, nhengo dzeparamende uye maseneta, sezvo zvigaro izvi kazhinji zviri kupiwa kune vanhu vasingararame nehurema.

Izvi zviri kuuya panguva iyo sangano iri rakabatana svondo rino nepasi rose mukucherechedza svondo revasinganzwe, reInternational Deaf Week.

Amai Nyangairi vanoti svondo iri vanorikoshasa zvikuru nekuti vasinganzwi nekutaura vanosangana nematambudziko makuru kwazvo mukurarama kwavo, zvingave mumhuri dzavo chaidzo sezvo mhuri zhinji dzisingagone mutauro wemaoko.

Vanoti kunyange hazvo senyika Zimbabwe yaita zvakawanda kusimudzira vasinganzwe nekutaura, pachine zvakawandawo zvinoda kugadziriswa zvakaita senyaya dzedzidzo, mumabasa, nemnzvimbo zakasiyanasiyana umo musina vakawanda vanokwanisa kutaura vachinzwana nevanhu ava, izvo zvinozoita kuti varambe vari pasi pasi kana kuzongogumira mubasa akaita sekutengesa mumigwagwa.

IHurukuro naAmai Barbara Nyangairi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG