Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voshora Russia neChina kuUnited Nations


UN General Assembly Biden
UN General Assembly Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakashora zvikuru mutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin nekurwisa kwavari kuita Ukraine nekutaura kwavari kuita kwekuti vanogona kushandisa zvombo zvinoparadza zvemhando yenuclear.

VaBiden vakataura mashoko aya kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York. VaBiden vati Russia inova nhengo renyika shanu chete dzine masimba akawandisa muUnited Nations reSecuity Council vari kuda kupamba Ukraine nekuiparadza zvachose.

Vati zviri kuitwa neRussia kutyora chibvumirano chakaumba mubatanidzwa wenyika dzepasi rose kana kuti United Nations Charter. Mukuratidza kuti havasi kudududza, VaPutin vazivisawo nhasi kuti vari kuda kuti mamwe mauto zviuru mazana matatu kana kuti 300, 000 vabatane nevamwe vari kurwisa Ukraine.

Russia Putin
Russia Putin

Vatiwo vakagadzirira kushandisa chero ipi nzira kudzivirira nyika yavo zvave kunzi nenyanyanzvi zvinogona kusanganisira kushandisa zvombo zvenuclear. Mashoko aVaPutin ari kuuya panguva iyo mauto avo ari kumanikidzwa kudududza munzvimbo dzakawanda neUkraine.

Mutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelenskyy vataura nhasi padandemutande vachiti VaPutin vanoda kuona ropa richideuka munyika mavo.

Russia Ukraine War
Russia Ukraine War

Nyika dzakawanda pazana nemakumi mapfumbamwe nenhatu dzemuUnited Nations dzakavhota kuti Zelenskyy vabvumidzwe kutaura pavhidhiyo vari kuUkraine.

Belarus, Cuba, Eritrea, Nicaragua, North Korea neSyria ndidzo dzakavhota dzichitsigira Russia yairamba kuti VaZellensky vataure vari kuKyiv.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia VaSergey Lavrov ndivo vachataura vakamirira Russia musi weMugovera. VaBiden vashorawo China nekubata senhapwa vanhu vari mudunhu reXinjiang uye vakashora hurumende yechiTaliban muAfghanistan nekutyora kodzero dzemadzimai nevana.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti China iri kuchengeta vanhu vechiUyghur mumakamba vanhu vanodarika miriyoni imwe chete vachibatwa senhapwa.

Tigray People's Liberation Front in the northern region of Tigray on Sept. 1, 2022, the
Tigray People's Liberation Front in the northern region of Tigray on Sept. 1, 2022, the

VaBiden vataurawo nezvehondo iri mudunhu reTigray kuEthiopia uye kusagadzikana kuti muHaiti. Vatiwo vanotsigira kuti Israel nePalestine dzigare murunyararo senyika dzakavakidzana.

Vatiwo vari kunetsekana nekudhura ekushaikwa kwechikafu zvakonzerwawo nekurwiswa kweUkraine neRussia.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG