Accessibility links

Breaking News

Muzvare Primrose Ruwocha Vakapiswa neMuchetura neMurume Wavo Vosvika muAmerica Kunorapwa


Muzvare Primrose Ruwocha
Muzvare Primrose Ruwocha

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chaigara muSouth Africa Muzvare Primrose Ruwocha avo vakadirwa muchetura weacid kumeso nemurume wavo vakatsva zvakaipisisa vanoti vari kufara nekukwanisa kusvika muAmerica umo vari kutarisirwa kugadziriswa huso hwavo.

Vanoti vakawana rubatsiro kubva kumutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai rePhumulani Minnesota African Women Against Violence muzvare Comfort Dondo.

Vati vakawana rubatsiro urwu mushure mekunge nyaya yavo yabuda pagungano remadzimai repa dandemutande reFacebook rinonzi Sisi Melly Diaries Live, apo Muzvare Dondo vakaverenga nyaya yavo.

"Mushure mekunzwa nhoroondo yezvandakasangana nazvo pa Sisi Melly Diaries Live paFacebook. Muzvare Dondo vakandifonera ndokundiudza kuti vaizondibatsira nhasi uno ndiri muno muAmerica uye ndinotenda Mwari nemadzimai nemhuri yeZimbabwe yese yakandibatsira," Muzvare Ruwocha vaudza Studio7.

Muzvare Dondo vaudzawo Studio7 kuti vakawana rutsigiro kubva kune zvizvarwa zveZimbabwe pasi rose pamwe nechimwe chipatara chepamusoro cheMayo Clinic chiri muMinnesota muAmerica chichange chichigadzirisa huso hwaMuzvare Ruwocha.

Muzvare Ruwocha vanoti murume wavo akavadira muchetura haasati asungwa izvo zviri kuvashungurudza, uye vari kutsvaga rubatsiro rwekuraramisa vana vavo vaviri vari kuZimbabwe sezvo ivo vasina zvikwanisiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG