Accessibility links

Breaking News

Dare reHurumende yeAmerica Rinopomera Vanhu Vanodarika Makumi Mana Mhosva yeKuba Mamiriyoni eMadhora Vachishandisa Denda reCovid-19


Dare redzimhosva muAmerica.

Dare rehurumende yeAmerica mudunhu reMinnesota neChipiri rakapomera zviri pamutemo vanhu makumi mana nevanomwe mhosva yekubira hurumende mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora, kana kuti $250 million, vachishandisa mukana wedenda reCovid-19, muhumbavha hunonzi ndihwo hwakakurisisa.

Magwaro akaburitswa kune veruzhinji ari kupomera vanhu ava mhosva dzakawanda dzinosanganisira zvibvumirano zvekubira hurumende, kuba mari vachishandisa madandemutande, kufambisa mari yekuba zvisiri pamutemo uye kuita zvechiokomuhomwe.

Vachuchisi vanoti vanhu ava vakaumba makambani aiti ari kupa chikafu kuzviuru zvevana vanobva kumhuri dzinotambira mari shoma mudunhu re Minnesota rose, ozodzoserwa mari pasi pechirongwa chehurumende.

Asi vachuchisi vakati chikafu chishoma shoma chete ndicho chakagoverwa, uye vanhu ava vakazvitengera zvikakarara zvemotokari, midziyo nezvishongo. Gore rino bazi rezvemitemo muAmerica rinonzi rakatara kuti kutongwa kwevakaba mari dzine chekuita nedenda reCovid-19 kuve nyaya iri pamusoro.

VaCharles Muchineripi Mutama, vanove chizvarwa cheZimbabwe vari zvakare mutungamiri webato rePatriotic Zimbabweans Party, vanoti huwori huri kwese asi zvinozosiyana ndezvekuti muAmerica mune mitemo inoshanda mukurwisana nehuwori.

AMERICANA-COVID FRAUD-MUTAMA-SHO-JONGA 21 SEP 2022 (6 AM).mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG