Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vowedzerwa Mari Kusvika paMadhora Mazana Maviri ekuAmerica (US$200)


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Hurumende nezuro yakaudza vashandi vayo kuti yakagadzirira kuvawedzera mari dzemihoro dzavari kupihwa nemadhora ekuAmerica nezvikamu makumi maviri nemashanu kubva muzana kana kuti 25%.

Izvi zvinoreva kuti vashandi vanenge vave kupihwa mari inosvika madhora mazana maviri ekuAmerica kana kuti US$200 pamusoro pemari yemunyika yavari kutambiriswa pamwedzi. Mari idzi dzinotanga kupihwa mwedzi uno.

Izvi zvakabuda mumusangano wakaitwa nezuro kuKaguvi Building muHarare pakati pevashandi nehurumende weNational Joint Negotiating Council kana kuti NJNC.

Mutungamiri wesangano remubatanidzwa wemasangano evashandi reApex Council Amai Cecelia Alexander vakaudza Studio 7 kuti vakumbirawo vari kutaura vakamirira hurumende kuti mari dziri kutambiriswa vashandi nemadhora emunyika dziwedzerwewo.

Amai Alexander vakatiwo hurumende yati ichapa vashandi mari dzemabhonasi asi hapana kuwiriranwa kuti dzinobhadharwa sei. Pakawiriranwa kuti pazoitwa mumwe musangano svondo rinouya vamiriri vehurumende vamboita mukana wekunzwa kubva kubazi rezvemari.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kuNew York uko vakauya nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kumusangano weUnited Nations General Assembly.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG