Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vosvika muNew York Vachitambirwa neVari Kuratidzira Kuti Vasungwe


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa vasvika muNew York nhasi kumusangano weUnited Nations General Assembly asi vachitambirwa nevanhu vari kuratidzira vachiti ngavasungwe nemhosva yekubata chibharo yavari kupomerwa naMuzvare Susan Mutami uye kutyora kodzero dzevanhu.

Muzvare Mutami vari kupomera VaMnangagwa mhosva yekuvabata chibharo vaine makore gumi nemashanu.

Asi mutauriri weVaMnangagwa, VaGeorge Charamba vakaudza Studio 7 kuti inyaya isina maturo ose uye havaida kutambisa nguva vachitaura nezvayo.

Muzvare Mutami vakamhan'ara nyaya iyi kumapurisa ekuAustralia ayo aitarisirwa kusangao remapurisa pasi rose reInterpol.

Bato rinopikisa rePeople’s Patriotic Party raudza Studio 7 kuti rakapihwa mvumo yekuratidzira panhandare yeJF kennedy muNew York pasvikira VaMnangagwa nhasi.

Misangano yeUnited Nations yakatanga nezuro uye VaMnangagwa vakatombopinda mune mumwe waizeya nyaya dzedzidzo kuburikidza nedandemutande vasati vasimuka kuenda kumuzinda wesangano iri muAmerica.

Dingindira regore rino rakanangana nekutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika dzepasi rino kana kuti “A watershed moment: transformative solutions to interlocking challenges.”

VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura pamberi pegungano iri svondo rino. Pane vamwewo vanosanganisira vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vari kuratidzirawo kuNew York svondo rino. Mumwe ari kuratidzira ndiVaGift Kurauone avo vaimbova kanzura kuMasvingo.

Vaudza Studio 7 kuti vari kuratidzira kuUnited Nations vachida kuratidza pasi rose kuti VaMnangagwa vanoita gudziramukanwa kana achiti muZimbabwe mune runyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaRegis Vusango Charumbira vanova sachigaro weZanu-PF mudunhu reCanada neAmerica vanoti vacharatdzirawo vachitsigira VaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG