Accessibility links

Breaking News

Mapurisa neMauto Oparura Chirongwa Chekusunga Vane Motokari Dzisina Magwaro Akakwana


Mapurisa eZimbabwe Republic Police aparura chirongwa chekusunga motokari dzisina maNumber Plates kana magwaro akakwana achiti motokari idzi dziri kushandiswa kupara mhosva dzakaita sekuba vanhu vachishandisa pfuti, kubata chibharo nedzimwe uye nhasi vati vasunga vanhu vanodarika makumi mashanu.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commission Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chakanangana nevaya vanotyora mutemo pamigwagwa.

VaNyathi havana kutaura kuti chirongwa ichi chichapera rini vachiti chave kuitwa munyika yese.

Mugwaro rekuparura chirongwa ichi, ZRP yati motokari dzisina magwaro idzi ndidzo dzinoshandiswa zvakanyaya kupara mhosva uyewo vanhu vanoshandisa motokari idzi havatevedzeri mutemo yepamugwagwa uye mapurisa kana vamwe vanochengeta mutemo vanonetseka kuziva kuti motokari idzi ndedzani sezvo dzisina magwaro.

Vatiwo vachashanda nevamwe vano chengetedza mutemo vakaita semauto nemamwe mapazi akaita seCentral Vehicle Registry, ZINARA, Vehicle Inspection Department nemamwe.

Vakafanobata chinzvimbo chemunyori anoona nezvekutakurwa kwezvinhu mubato rinopikisa reCCC, VaSettlement Chikwinya, vaudza Studio 7 kuti zvakanaka chose kuti vanhu vatore magwaro emotokari dzavo asi vakati vanoona sekutiwo chirongwa ichi chinogona kushungurudza vanhu sezvaitika nhasi kuna Amai Sikhala.

Mutauriri webato reZanu PF, VaChris Mutsvangwa, vatambira chirongwa chemapurissa ichi vachiti chakanangana nekuchengedza mutemo pamwe nekubata vanhu vanopara mhosva.

Zvimwe zvichaitwa nemapurisa pachirongwa ichi kusunga mahwindi pamwe nemotokari dzinotakurira vanhu panzvimbo dzisingabvumidzwe.

Mapurisa ayambirawo vemapato anopikisa nevaya vachada kuratidzira vachipikisa chirongwa ichi kuti vachasungwa. Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti mhosva dzekubiwa kwemari pachishandiswa pfuti dziri kuramba dzichiwedzera.

Vamwe vari kuchema chemawo kuti bazi reCentral Vehicle Registry kana kuti CVR ndiro riri kupawo kuti vanhu vafambe nemotokari dzisina zvakakwana nekuda kwekuti vashandi veko vanoda chikomuhomwe.

Gurukota rezvkutakurwa kwezvinhu VaFelix Mhona vakaudza Studio 7 kuti vari kuferefeta nyaya dzakadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG