Accessibility links

Breaking News

Kugarira Mapadza kweVarimi Kunonzi Ndiko Kwopa Kuti World Bank Iti Zimbabwe Ndiyo Nyika Inodhura Zvinhu Zvekudya Zvakanyanya


Ongororo iyi yakaitwa pakati pemwedzi yaChivabvu kusvika Nyamavhuvhu nebhanga guru rinokweretesa mari reWorld Bank yakabuitsa pachena kuti mitengo yezvinhu muZimbabwe ndiyo iri pamusoro kudarika nyika dzose dzepasi rino.

Mitengo yezvekudya muZimbabwe yakakwira panguva iyi nezvikamu mazana matatu nemakumi mashanu nematatu kubva muzana kana uyi kuti 353%.

Nyika yaitevera Zimbabwe pakudhura kwezvinhu iVenezuela, kwouya dzimwe dzakaita seIran, Argentina, Ethiopia neRwanda. Vanhu mamiriyoni mashanu vanonzi neWorld Bank vakatarisana nenzara muZimbabwe.

Vanoongogora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vanoti zvinhu munyika hazvina kumira zvakanaka uye vakawanda vari kunonga svosve nemuromo

Nyanzvi munyanya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vaudzawo Studi0 7 kuti nyaya yekuti vamwe vatema vakatora minda havana zvavari kuita yave kupa kuti zvinhu zvinyanye kuoma munyaya dzezvekudya.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vatiwo chimwe chapa kuti zvinhu zviite mhidigari inyaya yehondo yeUkraine.

VaChitambara vatiwo zvinhu zvaimbotengwa nemutengo uri pasi zvakaita sechibage gorosi nezvimwe zvave kudhura nekuda kwehondo iyi.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakambovimbisa nyika kuti hakuna achafa nenzara sezvo nyika yainge iine chibage chakakwana mumatura ayo.

Nekune rumwe rutivi, sangano reGrain Millers Association rainge richitenga chibage kuZambia neMalawi kuratidza kuti zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka.

Gurukota rezvehupfumi Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kugara vachivimbisa kuti hupfumi huri mugwara uye mitengo ichadzika.

Asi vanopikisa vanoti muromo wagara havo hauzarirwere nerwizi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG