Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 20, 2022


Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa votarisirwa kusvika muNew York nhasi kumusangano weUnited Nations General Assembly asi vachitambirwa nevanhu vari kuratidzira vachiti ngavasungwe nemhosva yekubata chibharo yavari kupomerwa uye kutyora kodzero dzevanhu.

Bhanga guru rinokweretesa nyika dzepasi rino mari reWorld Bank raburitsa gwaro rinoratidza kuti Zimbabwe ndiyo nyika iri kudhura chikafu zvakanyanya kudarika dzimwe dzose.

Mudzimai waVaJob Sikhala ambosungwa nemapurisa akatorerwa motokari uye ave kutarisira kumiswa pamberi pedare nemusi weChina.

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka kuBeitbridge kudivi reSouth Africa nekuda kwekushaikwa kwemagetsi zvopa kuti vanhu vamire kwenguva yakareba.

Mapurisa nemasangano evashandi voita musangano pamusoro pemutemo weMaintenance of Order and Peace Act unonzi uri kushandiswa nemapurisa kumbunyikidza kodzero dzevashandi.

Muchirongwa chedu cheLivetalk- The Connection, tiri kutaura nevechidiki nezvekuratidzira kuri kuita zvizvarwa zveZimbabwe kuNew York zvichiti hazvisi kufara nehutungamiri hwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. VaMnangagwa vari kuuya kumusangano weUnited Nations General Assembly.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG