Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheIMF Chinopeta Rwendo kuZimbabwe Chichirumbidza Mabatirwo eHupfumi, Asi Chichiti Haisati Yave Kukodzera Kupiwa Rubatsiro Rwemari


Muzinda weInternational Monetary Fund muWashington, muAmerica.
Muzinda weInternational Monetary Fund muWashington, muAmerica.

Chikwata che International Monetary Fund (IMF) chichitungamirirwa naVaDhaneshwar Ghura, neMuvhuro chakapeta rwendo rwacho rwemazuva masere muZimbabwe, umo chaiita hurukuro nevakuru vehurumende, vakuru vebhanga guru renyika pamwe nevemabhizimusi pamusoro peshanduko dziri kuitika mune zvehupfumi pamwe nemamiriro ahwo.

Mugwaro ravakaburitsa mushure mekupeta rwendo urwu, VaGhura vakati hupfumi hweZimbabwe hwaratidza kusimba kukuru nekumuka kwahwo munguva yakaoma.

Vakati hondo iri pakati peRussia neUkraine, kusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nemitengo yezvinhu iri pamusoro zviri kukanganisa hupfumi nemagariro evanhu muZimbabwe, izvo zvakasakadzwa kare nedenda reCovid-19.

IMF yakapembedzawo matanho ari kuitwa nehurumende ekudzikamisa mutengo wemari yekunze, asi ichitiwo panodiwa mamwe matanho ekunyatsodzikamisa hupfumi ane hupenyu hunoenda mberi.

Kunyange hazvo Zimbabwe yakapembedzwa neIMF nekukwanisa kubhadhara chikwereti chayo kuIMF muna 2016, sangano rinokweretsa mari iri rakati haisati yasvika pakuti ikwanise kupiwa rubatsiro rwemari nekuda kwekukundikana kubhadra kwayo zvikwereti zvayo zvekunze.

Nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nekudyidzana kwenyika dzepasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvinofadza chose kuti IMF yakarumbidza Zimbabwe nematanho ayakatora ekukwanisa kuraramisa hupfumi hwenyika, panguva iyo dzimwe nyika pasi rose dzaitarisana nematambudziko aitosvitsa pakubviswa kwevatungamiri pazvigaro.

Asi Muzvinafundo Masocha vanoti havaoni hurumende ichibudirira kuzdzisa zvayakakomekedzwa kuti izadzise nekuti zvinhu zvave nemakore ichiudzwa nezvazvo asi isina matanho ainotora.

Hurukuro naMuzvinafundo Ellito Masocha
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG