Accessibility links

Breaking News

Dambudziko Rekutora Zvinodhaka Rotekeshera muNyika


Mumwe chiremba Doctor Tich Nyashanu vanoshanda nesangano reMubatirapamwe Trust rinobatsira vanoshandisa zvinodhaka vanoti zvakakosha kuti vabereki vatarise mararamiro ari kuita vana vavo sezvo vanotora zvinodhaka vaine ziratidzo zvinogona kuonekwa kuti vapihwe rubatsiro nechimbi chimbi.

Dr Nyashanu vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana zvikuru nekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu kunyanya vechidiki vari kutora zvinodhaka munyika.

Matambudziko munyaya dzezvehupfumi apa kuti vechidiki vashaye mabasa anonzi ari kupa kuti vakawanda vagume votora zvindhaka zvinokanganisa hupenyuhwavo vamwe vachiguma vazofa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG