Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuChiredzi Vonetsana neMumiriri Wavo Mudare reParamende nezveMuganhu


Vagari vemuraini rekwaMasekesa kuChiredzi East nezuro vakaendesa nhengo yavo yeparamende yebato reZanu PF, VaDenford Masiya, kudare raMambo Tshovani vachivapomera mhosva yekuda kutora minda yavo nechisimba kuitira kuti varime nzimbe.

Vagari ava vachitungamirirwa naSabhuku wavo, VaEdson Masekesa, vanoti vakaenda kwamambo mushure mekupedza nguva yakareba vachikakavadzana naVaMasiya avo vakatotanga kutema minda munzvimbo yavo inopfuura mahekita zana.

Sabhuku Masekesa vanoti VaMasiya vari kushandisa simba rezvematongerwo enyika kubvuta minda yavo iyo inofurira mombe dzavo.

VaMasekesa vanoti VaMasiya vakavaudza kuti vakatopuhwa mapepa ekutora nzvimbo iyi ndosaka vakaenda kwaMambo kuti vavamise.

Mutauriri wevagari ava, VaMaxwell Masekesa, vanoti vanorwadziwa kuti munhu mumwe chete anoda kutora minda yavo iyo inofanirwa kuzoshandiswa nevana vavo kana vakura.

VaMaxwell Masekesa vanoti vanotarisira kuti Mambo Tshovani vachapedza nyaya iyi
zvakanaka nekuti pane makakatanwa emiganhu nerimwe raini rinonzi rinobvawo VaMasiya.

Asi Sabhuku Masekesa vanoti muganhu vanouziva nekuti pawakatarwa mugore ra1960, vaivepo.

Asi VaMasiya varamba nyaya yavari kupomerwa vachiti vari kunyeperewa uye varamba
kupindura mubvunzo wekuti vaive padare raMambo Tshovani here nezuro.

Asi Mambo Tshovani, VaFelix Mundau, vabvuma kuti dare remakakatanwa iri rakaitwa nezuro pamusha pavo uye VaMasiya vaivepo.

Kunyange VaMasiya vachinzi vanoti vane mapepa ekuti vatore nzvimbo iyi, Mudzviti weChiredzi anova sachigaro wekomiti yeminda mudunhu iri, VaLovemore Chisema, vati nyaya iyi haisati yasvika muhofisi yavo asi vari kuinzwa nemakuhwa nekuiona pamasai sai.

Mhuri yekwaMasekesa inoti yakatanga kugara munzvimbo iyi kuma 1920 vakaisirwa nemadziteteguru avo nekudaro VaMasiya vakabva kune imwe nzvimbo kuzoda kupamba minda yavo.

Mambo Tshovani vachapa mutongo wavo kana vapedza kuzeya nyaya iyi, uye vaongorora zvakasimba nyaya yemuganhu.

Kunetsana uku kuChiredzi kunoteverawo makakatanwa aripo eminda yemadzidza kunzvimbo uku pakati pevagari vekuChilonga nehurumende iyo inoda kuvabvisa munzvimbo yavo kuti
vape kambani yevarungu yeDendairy kuti irime mafuro emombe dzemukaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG