Accessibility links

Breaking News

Mambokadzi Elizabeth Voradzikwa


Mambokadzi Elizabeth veku Britain varadzikwa nhasi kuWindsor Palace pedyo nemurume wavo mushakabu Prince Philip.

Zviuru nezviru zvevanhu zvaungana mumigwagwa yemuLondon zvichionekana navo. Pange pane vatungamiri venyika dzakawanda vanosanganisira VaJoe Biden vekuAmerica, VaCyril Ramaphosa vekuSouth Africa nevamwe.

Zimbabwe yange yakamiririrwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFreddrick Shava uye mumiriri weZimbabwe kuBritain, VaChristian Katsande.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaPardon Tapfumaneyi, vanoti hukama hweZimbabwe neBritain hunogona kugadziriswa kana hurumende ikasiya tsika yekutyora kodzero dzevanhu nyanya vanoita zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG