Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, Vove Pakati peVatungamiri veDzimwe Nyika Vari KuBritain paKuvigwa kwaMambokadzi Elizabeth Vepiri


VaJoe Biden pnemudzimai wavo Amai Jill Biden vari kurufu rwaMambokadzi Elizabeth Vepiri

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemudzimai wavo Amai Jill Biden vari muLondon kurufu rwaMambokadzi Elizabeth Vepiri, avo vari kutarisirwa kuradzikwa nhasi kuKing George VI Memorial Chapel.

VaBiden, avo vakasvika kuBritain neMugovera, nezuro vanyorawo mashoko avo enyaradzo mubhuku rekuchema Mambokadzi.

VaBiden ndemumwe wevatungamiri venyika dzakawanda vachange vari parufu rwaMambokadzi Elizabeth Vepiri pamwe nemadzimabo anobvawo kunyika dzakasiyanasiyana.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kumirirwa kurufu urwu negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, sezvo ivo VaMnangagwa vari kutarisirwa kunge vachienda kuNew York svondo rino kumusangano weUnited Nations Genreal Assembly, UNGA.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muBritain, Doctor Simba Mavaza, vanoti kuvepo kwaVaBiden kurufu rwaMambokadzi Elizabeth Vepiri pamwe nekuradzikwa kwavo zvinoratidza kukosha kwehukama hwaivepo pakati paMambokadzi neAmerica, uye kudyidza kweBritain neAmerica.

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG