Accessibility links

Breaking News

ZIMPARKS Yogura Zvipembere Nyanga Kudzivirira Kuurayiwa Zviri Kunze kweMutemo neVanotsvaga Nyanga


Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo.

Zimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, ZIMPARKS, yakaparura zvakare chirongwa chekugura zvipembere nyanga senzira yekudzivirira kuurayiwa kwazvo nevanovhima zvipembere vachida nyanga dzazvo.

Mutauriri weZIMPARKS, VaTinashe Farawo, vanoti izvi zvinhu zvavagara vachiita nguva nenguva, uye gore rino vari kuronga kubvisa zvipembere chiuru nyanga, vachitanga nezviri ku Lake Chiwero.

VaFarawo vanoti nyanga dziri kubviswa pazvipembere izvi dzichachengetwa kudura ravanochengetera nyanga dzezvipembere kubva mugore ra 1975.

Vanonyika yasarirwa nezvipembere zvinosvika chiuru nemazana maviri chete, izvo zviri kuita kuti vakwanise kufambisa chirongwa chekugura nyanga ichi zviri nyore.

Asi VaFarawo vanoti izvi hazvisi nyore kuitwa kunzou nekuti nyika ine nzou dzakawandisa zvakanyanya.

Hurukuro naVaTinashe Farawo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG