Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weSouth Africa, VaRamaphosa, Vanodimurira Rwendo Rwavo kuUNGA Panzira Vomhanyira Kumusha Kunogadzirisa Dambudziko reMagetsi


Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa
Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa

Mutungamiri we South Africa, VaCyril ramaphosa, vamanikidzwa kudimurira rwendo rwavo rwekumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York svondo rino nekuda kwedambudziko rinonzi rabata nyika yavo rekudzimwa-dzimwa kwemagetsi, uko kunonzi kuri pa stage 6.

Mutauriri waVaRamaphosa, VaVincent Ngwenya, vakazivisa neSvondo kuti VaRamaphosa, avo vari ku Britain kurufu rwaMambokadzi Elizabeth Vepiri, vave kubva vangodzokera kumusha mushure mekuvigwa kwaMambokadzi, kwete kunanga ku New York kumusangano weUNGA sezvakanga vakaronga.

Aka hakasi kekutanga kuti VaRamaphosa vadimurire rwendo rwavo pakati nekuda kwedambudziko remagetsi. Muna 2019, vakadimurira zvakare rwendo rwavo kuEgypt pakati mushure medambudziko rimwechetero remagetsi.

Kambani yemagetsi ye eskom inonzi iri kunetseka zvikuru kuwanisa nyika magetsi anoikwanira. T

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paTswane University of Technology, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti vanoona sekuti VaRamaphosa vatora danho rakakodzera rekuti vadzoke kumusha kunoona nezvedambudziko iri vari pamwechete nezvizvarwa zvenyika yavo, sezvo matambudziko ose achizongoguma aiswa pamakumbo pavo.

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG